World's Last Chance
A New World Order  
  Bible Prophecies
 
ARTICLES
RESOURCES
FOR YOU
SHORT STUDIES
SUBSCRIBE TO OUR UPDATES
Nature Power
Back  
A New World Order Send to a Friend Image of The Beast Print
Read it in the following languages 
FONT SIZE
If you are unable to read this file, then Click Here to download fonts.
 
 
We highly recommend that you also read the Next & Last Pope article after this article
Nguva Yekupedzisira yePasirese Pasirese Ravekuzowana Nzira itsva Yekutongwa: Wagadzirira here?
 


  • Nyika ye USA naPapa varikuida
  • Pasirese richashamiswa nekutangwa kwacho
  • Izvi zvakaporofitwa zviuru zviviri zvemakore zvakapfuura
  • Nzira yekuzvidzivirira kusapinda munyatwa
  • “Papa John Paul II vakatiridzira runhare paGoredzva musi weChina vachishambadzira kutangwa kwematongerwo enyika matsva.” Ndira. 2, 2004, Pepanhau reThe Christian Post

    “Chinhu chikuru ichi: matongerwo enyika matsva… nyika dzakaita se United States ndidzo dzinesimba nechimiro chinodiwa kukwanisa kuti izvi zviitike.” Mazwi akataurwa na President George Bush vakangavari mutongi we USA vachitaura pa, State of Union address, Ndira. 29, 1991
    In this article:

    Nyika yedu ichasangana netsaona munguva pfupi-pfupi inotevera zvichakonzera magumo enyika. . Nekuti vanhu vanofanira kugadzirira tirikuda kutumira yambiro iyi kunyika dzese pasi pano zvichatitorera mari yakawanda uye nesimba redu rakawanda.

    Kune avo vanehana dzakasimba vanoda kuramba vachiverenga vangafunge kuti Nguva Yekupedzisira yeNyika zvinoreva zvisingaitike nekuti vanhu vanoda runyararo nehupfumi nekugara zvakanaka kwete dambudziko rekugumirwa nenyika.

    Taedza kufunga zvamungade kubvunza tisati tatanga rwendo rwedu saka tinoda kupindura mibvunzo yamungave nayo sekuti ichokwadi kuti pasi rese rakatarisana nemagumo!

    Baiberi seMuratidzi

    1. Ndivanani vakamirira chinyorwa ichi?

    Tiri nhengo dzemapato evanhu vanowanikwa munyika yese vanotora Baiberi se mutemo wechokwadi. Mumashure mekunge tanyatso verenga nekunzwisisa Baiberi kunyanya zvitsauko zvekutanga zvakanyorwa nezveremangwana redu nezvehupenyu huchatevera takazviona zvakakodzera kuti tikupakurireyi mashoko atakadzidza. Ruzivo rwatinarwo rwakakosha zvekuti takazvipira kushupika kana kurasikirwa nehupenyu chaiiwo kuti muwane ruzivo urwu. Pane mhandu kanavavengi vakakawanda varikushanda nesimba kuti tisakupakurereyi mashoko atinawo uye ruzivo urwu rwusabude pachena.

    2. Seiko muchitora Baiberi sechinhu chakakosha? 

    Pakutanga takanga tisingarikoshese kusvika tashamiswa kuona chokwadi chakanyorwa imomo. Chokwadi chacho chakakura zvekuti zvakataurwa zviuru zvemakore zvakapera zvavekubudikiswa nhasi uno sekutaurwa kwazvakaitwa kare-kare. Izvi zvakaita kuti titambire chokwadi chekuti kuna Mwari anoziva zvese akakonzera kunyorwa kweBaiberi, asinakubatwa nenguva yepano panyika asina matangiro kana magumo.

    Takaona zvakare kuti Musiki wedu anotida chaizvo zvekuti akatigadzirira nzvimbo yekuragara kudenga rake. Asika sezvo takazara zvirwere zvezvitadzo zvedu tisingakwanise kupinda denga, Mwari akatigadzirira mushonga unorapa chirwere ichi chezvitadzo.

    Hataizokwanisa kuterera Baiberi zvakadzama kudai Mwari asina kutiratidza kuti ndiye mubati uye anoziva zvese zvakanangana neremangwana redu. Ruzivo rwakadzama urwu rwunowanikwa mumagwaro maviri: Danyeri muTestamende Tsaru nekuna Zvakazarurwa muTestamende Itsva.

    Kuzadziswa Kwezvakaporofitwa muBaiberi.

    3. Ipa muratidzo wekuzadzikiswa kwezvakaporofitwa muBaiberi.

    MunaDanyere, chitsauko chechipiri Mwari akaudza mamboweBabironi nezvehope dzake kuti kubva panguva yake kusvika kumagumo pasi rese raizowana nyika ina chete dzaizotonga kwese-kwese. Iyezvino tave kuona kuti ichi chaive chokwadi sezvo kwakave nenyika ina idzi, Babironi (gorera 605 BC kusvika gorera 538 BC), Mediro-Pezhiya (gorera 538 BC kusvika gorera 331 BC), Girisi (gorera 331 BC kusvika gorera 168 BC), ne Roma (gorera 168 BC kusvika gorera 476 AD). Akazivisawo zvakare kuti nyika ye Roma yaizokamurwa-kamurwa kuita matunhu gumi uye mukufamba kwenguva matunhu aya aizosvika kumagumo. Zviratidzo zvatinazvo mavuva ano zvavekutiratidza kuti izwi raMwari nderechokwadi sezvo mugore ra 476 AD, Roma yaka kamurwa-kamurwa kuita matunhu gumi anova ndiwo akavemavambiro enyika yeYuropu yemazuva ano.

    Uyezve, Mwari akaratidza zvakasiyana-siyana zvaizoitika kudunhu rimwe-nerimwe pamatongerwo kukura kwemasimba nekupera kwawo uye nezvakamirira dunhu rega-rega. . Kuti muwane tsananguro yakakwana verengai Danyere Chitsauko chechinomwe nechechisere. Paneumbowo hwakakwana zvekuti nyanzvi dzekuverenga Baiberi dzinobva dzaona kuti ichokwadi chekuti kunaMwari kudenga anove ndiye anotonga nyika yese.

    4. Zvakaporofitwa muBaiberi zvinobatsireyiko?

    Zvakaporofitwa zvinobatsira pakutiyambira panematambudziko achauya. Tingape mufananidzo waMwari paakaraira Nowa kuti kuchauya mvura yakawanda, kana Aburahamu naRoti pakuparadzwa kwemaguta eSodomu ne Gomora uye akayambira Mozisi nezvezvirwere zvaizowanikwa kuIjiputa Vese vaifanirwa kuterera nekuti vaitenda. Izvi zvanyorwa kuitira kuti tidzidze kuti kana Mwari ataura zvichaitika sezvakataurwa. Naizvozvo hatifanire kusaterera zvakaporofitwa nekuti ndizvo zvinotiyambira kuti tisapinde patsaona.

    Saizvozvo, zvakaporofitwa muBaiberi zvinobatsira pazvinhu zviviri izvi – kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichirangarira kuti Mwari ndiye anesimba pazvinhu zvese zvinoitika uyenekutiyambira kuti tisapinde patsaona. .

    Yambiro Inotyisa Yakafanira kutevedzerwa

    5. Pane zvakaporofitwa muBaiberi here zvisati zvazadzikiswa?

    Chokwadi ndechekuti pane zvakaporofitwa zvisati zvazadzikiswa. Mazuva ano zvakakosha chaizvo kuti tinyatso nzwisisa nezveyambiro dzakaporofitwa nekuti panezvirikuitika zvinoratidza kuti zvakaporofitwa zvavekuzo zadzikiswa.

    6. Mungandiudzewo here zvakaporofitwa zvavepedyo kuzadzikiswa .

    "Pano ngirozi yechitatu yakavatevera, ichidaidzira nezwi guru ichiti, Kana munhu achinamata chipuka chesango chinomhura, uye anechakanyorwa pamhanza kana mumaoko, kupiwa mucherechedzo rwechipuka, ndiye achanwa chinwiwa chewayini nekutsamwa kwaMwari zvichadururwa zvisina kusanganiswa uye achapiswa nemoto pamberi pengirozi negwayana raMwari. Chiutsi chichapuda ipapo chichapwititika nekusingapere uye hapana achavene zororo usiku kana masikati kunyanya vanonamata chipuka chesango kana iyemunhu, kana anizvake anechakanyorwa pamhanza kana mumaoko. Izvi zvinoratidza mwoyo murefu wevatendi: pano ndipo panowanikwa vanotenda vakachengeta mitemo yaMwari nekunamata Jesu" Zvakazarurwa Chitsauko gumi ne mana: ndima yechipfumabwe kusvika yegumi bembiri.

    Yambiro inotyisa kudai yakanangana nemapato evanhu maviri. Bato rekutanga rinoyambirwa kusanamata chipuka chesango vagopiwa mucherechedzo rwechipuka nezvachakamirira uye bato rechiri rinoreva vanhu vakachengeta mitemo yaMwari. Pane yambiro yekuti Kristu achadzoka. Naizvozvo tinoziva kuti zvakanyorwa Kristu asati adzoka rwechipiri.

    7. Ndingaite seyiko kuti ndisanamate chipuka chesango ndigorega kupiwa mucherechedzo wechipuka?

    Mubvunzo wakanaka uyu. Asika tinofanira kutanga nekutsanangura kuti chiiko chipuka chesango, uye mufananidzo wechipuka chesango, uyezve nerupawo rwechipuka chesango. Isu tinofanira kuziva kuti Mwari haaizotinyambira nezvinotyisa asinakutabatsira netsananguri yakakwana. Mwari wedu haadi kuti tiite zvekufembera hupenyu hwedu huripanguva yakaoma. Saizvozvo hazvishamise kuwana tsananguro yechipuka chesango yakanyorwa zvakakwana muchitsauko chichangopera. .

    Kukwanisa kuona Chipuka Chesango

    8. Chiiko chatinoratidza nezvechipuka chesango ichi muBaiberi?

    “Pandakamira kumahombekombe kwegungwa, ndakaona chipuka chichibuda mugungwa chine misoro minomwe negumi renyanga uye nyanga yega-yega inechishongo chehumambo nezwi rinoti kumhura rakanyorwa pamhanza. 2 Chipuka ichi chaingedindingwe uye tsoka dzacho dzichinge dzebere uye mukanwa mainge meshumba chipuka chinofemamoto ndicho chaipa simba rinenge rehumambo. 3 Uye ndakaona mumwe wemisoro uchinge wakakuvadzirwa kufa asi chironda chacho chichibva chapora, ipapo nyika yese yakatevera chipuka ichi. 4 Vakachitevera vachinamata chipuka chinofemamoto nekuti vaifunga kuti ndicho chinopasimba: pavainamata vaibvunzana kuti Ndiani angakunde chipuka ichi? Ndiani angachirwise muhondo? 5 Ipapo chakapiwa muromo wekutaura zvishamiso nezvimwewo zvehunhunzvatunzva uye simba iri rakaenderera kwemwedzi makumi mana anemiviri . 6 Akashama muromo achitaura zvehunhunzvatunzva kuna Mwari, achituka zita rake uye nevese varikudenga. 7 Akapiwa simba rekurwisa vatendi nekuvakunda uye akapiwa simba rekukunda vanhu vemitauro yese nendudzi dzese. 8 Zvikanzi vagari vemunyika vese vachamunamata uye vanemazita asina kunyorwa mugwaro regwayana raMwari vachaparadzwa … 16 Akakonzera vese, vakuru nevadidki, vapfumi nevarombo, vakasununguka nevakapambwa kuti vavenemucherechedzo muruwoko rwerudyi kana pamhanza: 17 Uyewo zvakare hapana anobvumirwa kutenga kana kutengesa kana asina mucherechedzo urwu kana nhamba yezita rake. 18 Apa ndipo panehungwaru. Kanapane anozvinzwisisa izvi ngaatange kuverenga zvakamirirwa nemucherechedzo urwu nekuti achaona kuti rwakafanana nemunhu; rwunokwana mazana matanhatu makumi matanhatu nezvitanhatu” Zvakazarurwa Chitsauko chegumi nematatu ndima yekutanga kusvika kuneyechisere, neyegumi nenhanhatu kusvika kuneye guminesere.

    9. Chinyorwa ichi chakazara nemifananidzo. Ndingachinjisise seiko?

    Tinofanira kushandisa Baiberi pakutsanangura mifananidzo iyi. Tinofanira kuvimba kutiMwari akaita kuti zvivenyore kuwana zvinorehwa nemifananidzo iyi. Chinodiwa chete kushingirira pakudzidza zvinorehwa kanatichiverenga Baiberi. Pakuverenga nemazvo tinogona kunyatso wana tsananguro yakakwana tisingaite zvekufembera.

    Baiberi rinorambidza zvekufembera-fembera kana usingazive chokwadi nekuti "hapana zvakaporofitwa...zvino tsanangurwa muchivande" Tsamba yaPita yechipiri Chitsauko chekutanga ndima yemakumi maviri. Baiberi rinotsanangura ifananidzo yese inowanikwa mariri. Onai munaZvakazarurwa munowanikwa ndima mazana mana ane mana. Mukatora ndima dzese munowana mazana maviri makumi manomwe nemasere dzine mazvi akafanana izwi-neizwi nezvimwe zvitsauko zviri mu Baiberi.

    Saizvozvo munokuridzirwa kuita semaBible Bereans (onai Mabasa Chitsauko gumenenomwe: ndima yegume neyegumi neimwe) mutore chero chamunoverenga muzvinyorwa sechidzidzo. Nekuti chero anizvake anoverenga Baiberi apendza kumamata achida kuziva chokwadi uye achida kutevera chokwadi achakwanisa kutevera zvakanyorwa mumagwaro matsvene. “Kana munhu achiita kuda kwake(Mwari) achazvizivira …kuti ndiMwari here kana kuti ndinimbune ndirikutaura .” Jonhi Chitsauko chechinomwe, ndima yeguminenomwe.

    10. Ndeipiko mifananidzo yatinofanira kukiyinura kuti tigone kuziva kuti chipuka chesango chakaita seyiko nekuti tikwanise kuchiziva?

    Panemifananidzo yakawanda yechipuka ichi: asika tichango taura nesvishoma zvacho zvinoita kuti zvivenyore. Mifananidzo yatichatsanangura inoti ‘chipuka’ ‘chipuka chinemoto’ ‘gungwa’ ‘mwedzi makumi mana anemiviri’ ne 'kumhura'.

    Chipuka: Baiberi rinoporofita chipuka sechakamirira humambo kana hushe. “Izvi zvipuka zvikuru, zvina zvinove ndizvo zvinoratidza, madzishe mana… chipuka chechina ndicho chichave humambo hwechina Danyere Chitsauko chechnomwe: ndima guminenomwe, makumimaviri nenhatu. Pakutaura nezveChipuka ichi tirikureva humambo hwezvematongerwo enyika uye manamatiro emumachechi nekuti pakanyorwa kuti ‘vakanamata chipuka’ Zvakazarurwa Chitsauko chegumi nenhatu: ndima yechina.

    Chipuka chinofema moto: Tikatarisa zvakanyorwa muBaiberi chipuka chinofema moto ndiro zita rinopihwa kuna Satani anova ndiye baba wemanyepo nezvese zvinofurira chipuka chinofema moto chikuru…chinonzi Dhevuru, na Satani, vanova ndivo vanofurira nyika yese.” Izvi zvinoreva kuti Satani paakapa “simba rake, nechigaro chake, nehutongi hwake” kuchipuka chesango tinofanira kuziva kuti chipuka ichi chichaita zvinoitwa naSatani. Zvinoreva kuti pachave nekunyepa nekufurira panenge painechipuka. Zvakazarurwa Chitsauko guminembiri: ndima yechipfumbamwe; Chitsauko guminenhatu: ndima yechipiri

    Gungwa: MuBaiberi gungwa rinoshandiswa kuratidza vanhu vakawanda vakasiyana-siyana “…Mvuravanhu, ne mhomho, ne ndudzi, ne mitauro yakasiyana Zvakazarurwa Chitsauko gumine nomwe: ndima yegumineshanu. Saizvozvo simba iri rakabva mugungwa zvichireva kuti rakabva munyika mukati memhomho dzevanhu vakasiyana-siyana.

    Mwedzi makumi mana anemiviri: Iyi inguva yakaenzana nemakore matatu and chidimbu (ndokunge tichiti gore rine mwedzi gumi nemiviri). Apa munofanira kuziva kuti Baiberi rakanga richinyorwa nevaiverenga mwedzi nenzira yemaJuda panonzi gore rine mazuva mazana matatu nemakumi matanhatu (makumi matatu pamwedzi wega-wega). Saka, makore matatu anechidimbu ne mwedzi makumi mana anemiviri zvakaenzana nemazuva chiuru chine mazana maviri nemakumi matanhatu. Chikonzero chekushandisa mazuva ndechekui kana Mwari achiporofita anoverenga mazuva kwete makore. Kana mukatarisa munona kuti panotaurwa zuva imi verengerai gore “…nekuti makumi mana emazuva, zuva rega rakamirira gore, muchatakura kurema kwenyu kusvika makore makumi mana ...” “Ndatora zuva rimwe chete kumirira ” Numeri chitsauko chegumi nena: ndima yemakumi matatu anena;Hezikiyeri chitsauko chechina: ndima yechitanhatu.

    Saka zvinoreva kuti pakaporofitwa mwedzi makumi mana ane miviri zvinoreva makore chiuru mazana maviri nemakumi matanhatu akapiwa chipuka chesango “muromo wekutaura zvinhu ne kumhura” uye “chichiita hondo nevatendi chichivakunda: sekuti chakapiwa masimba ekutonga vanhu venyika dzakawnda nendudzi dzakawanda” Zvakazarurwa Chitsauko guminenhatu: ndima yechishanu neye chinomwe. Zvichireva kuti panguva iyi chipuka chichamhura, nekushusha maKristu zvinesimba uye nekuvatonga zvakaoma.

    Kumhura: MuBaiberi kumhura kwakatsanangurwa nenzira mbiri. Chekutanga ndechekuti kana mhunu achizviti ndiMwari kana mutumwa waMwari “…sekuti kana paitwa mabasa akanaka hatikuteme nematombo; asika pakumhura kunyanya iwe urimunhu wenyama, wazviita sekunge ndiweMwari Jonhi chitsauko gumi: ndima makumi matatu anenhatu. Saka chipuka chinemasimba ezvekunamata akasanganiswa neematongerwo enyiks, uye chakamhura nekuti chinozviitasaMwari panopanyika. Chechipiri unokwanisa kunzi wamhura kana uchizvipa simba rekuregerera vanhu zvitadzo zvavo (kana kuzvipa simba rekuita basa iri . “Seiko munhu uyu achimhura? Ndianiko anokwanisa kuregerera zvitadzo kusara kwaMwari ega?” Mariko chitsauko chechipiri: ndima yechinomwe.

    Chipuka ichi nemasimba acho ezvekunamata nezvamatongerwo enyika chakamhura zvikuru nekuti chakatora zvimbo yaMwari pano panyika chikagomhura zvakare nekuzvipa simba rekuregerera zvitadzo pano panyika. Hazvishamise kuti chipika ichi “chinezita rekuti kumhura” uye chichitaura “zvekumhura zvega zvega kuna Mwari nezita raMwari”; nekuti chipuka ichi chakatora masimba anozikanwa kutimasimba aMwari Zvakazarurwa Chitsauko gumin ezvitatu: ndima yekutanga neyechitanhatu.

    Zviratidzo Zvipfumbamwe

    Kana marega Baiberi richikiyinura zvinorehwa nemifananidza tichachienda kunotaura nezve zviratidzo zvipfumbamwe zvinoonekwa pachipuka kuti zvitibatsire kuona kuti isimba ripi rinoshandiswa kuzadzisa chirevo. Izvi hazvisirizvo zvega zvinoonekwa – Baiberi rakazara nemiratidzo. Tinofunga kuti zvatichakupai pano zvichakubatsirai kuverenga Baiberi zvakadzama kuti muwane zvimwe.

    1.   Zivai kuti chipuka chinosanganisa simba rezvekunamata nerematongerwo enyika pamwechete, “vaka namata chipuka…” Zvakazarurwa Chitsauko gumin ezvitatu: ndima yechina.

    2. Chipuka chakawana masimba acho mukati memhomo dzevanhu munyika, “Ndaka…ona Chipuka chichibuda mugungwa” Zvakazarurwa Chitsauko gumin ezvitatu: ndima yekutanga.

    3. Chipuka chakawana masimba cho kubva kuna Satani, saka tinofanira kuziva kuti chakazara nekunyepa nekufurura he beast obtained its power and authority from Satan, thus we would expect its history to contain a great deal of deception, “chipuka chine moto chakapa [chipuka chesango] masimba acho, chigaro chacho uye nehushe hwacho” Zvakazarurwa Chitsauko gumin ezvitatu: ndima yechipiri.

    4.  Chipuka chakatonga zvinehutsinye chine masimba akawanda chakadzvinyirira vanhu kwe makore chiuru mazana maviri nemakumi matanhatu. Iyi nguva yakafanira kunge inepekutanga nemagumiro anopera kana pavene'chironda chinouraya'. “Masimba akapiwa kwachiri kwenguva yakakwana makumi mana emwedzi anemwedzi miviri.” “Apa ndakaona mumwe wemisoro yakakuvara zvekufa.” “Masimba akapiwa chikara kuti chitonge vanhu vendudzi dzakasiyana-siyana” Zvakazarurwa Chitsauko gumin ezvitatu: ndima yechishanu, yechitatu, yechinomwe.

    5.Chikara chakafurufusha maKristu kwenguva inokwana makore chiuru mazana maviri nemakumi matanhatu. “Chakapiwa simba rekurwisa vatendi muhondo nekuvakunda ” Zvakazarurwa Chitsauko gumin ezvitatu: ndima yechinomwe.

    6. Chironda chinogona kuuraya chichapora uye nyika yese ichashamiswa nazvo, “uye chironda chinokonzera rufu chakapora: nyika yese yakashamiswa nechipuka” Zvakazarurwa Chitsauko gumin ezvitatu: ndima yekuchitatu.

    7.  Chipuka chinemucherechedzo rwakadai( 666) rwunoratidza pachinogara uye nezita racho, “verengai nhamba pachipuka ichi; nekuti yakafananana nenhamba yemunhu, saka inonzi mazana matanhatu makumi matanhatu nenhanhatu ” Zvakazarurwa Chitsauko gumin ezvitatu: ndima yeguminesere.

    8. Chipuka chinomhura nekuti chinozviti ndichoMwari nekuzvipa masimba ekuregerera zvitadzo (kutora masimba ekuregerera vanhu zvitadzo zvavo).

    9. Chipuka chinomhura zvakare nekuti chinozvipa simba rekuita mamwe mabasa aMwari. “Uye chakapiwa muromo waizotaura zvinhu zvikuru uye chichimhura” Zvakazarurwa Chitsauko gumin ezvitatu: ndima yechishanu.

    Mudiwa muverengi , nderipi simba munyikamuno mucherechedzo rwataurwa pano? Kana muchida kutaura chokwadi hapana inwe mhinduro kusara kweimwechete: Chechi yeChiRoma. Chechi yechiRoma niyo chipuka chatinoreva uye Mwari, nechido chake, anotiyambira kuti tichingwarire. Pano hatisi kudenha Chechi Ye Roma asi kutaura chokwadi chete nezve chichi iyoyi. Hapana munhu anofanira kutsutsumwa nazvo, asi vanofanirwa kunotsvaga chokwadi maererano noChechi iyi

    11. Tapota tsigirai izvi nehumbowo hunotevera pano.

    Ngati tore chimwechete chemuChechi ye Roma tione kuti zvinyorwa zvinoti kudiiko.

    1. Chechi YeRoma inobatanidza simba rekunamata nerematongerwo enyika pamwechete.

    Jonhi Muvangeri akaona kusangana kwemasimba aya paakaporofita nguva yechina yekugumisira kwenyika akatsangangura achiti simba iri rakafanana, “ ne munhukadzi [akagara] pamusoro pechipuka chineruvara rutsvuku Zvakazarurwa Chitsauko gumin ezvinowe: ndima yechitatu.

    MuBaiberi munhukadzi ndiwo mufananidzo unopiwa kana pachirehwa chechi “zvakaita se mudzimai achitiza kubva kumurume wake zvisiri pamurau, ndizvo zvamakaita kwandiri, Imi vemba yekwaIsirairi, akadaro MAMBO.” “Nekuti ini…Ini ndakakuyambira kuti uvene murume mumwechete, uye ndakati ndichakupira kuna Kristu semhanda” Jeremiya chitsauko chechitatu: ndimayemakumi maviri, MaKorinte chitsauko cheguminechimwe: ndima yechipiri.

    Uyezve zvinozikanwa nemhunhu wese mukuporofita kuti chipuka chakamirira nyika dzedu. Kunyane mazuva ano nyika zhinji dzinopiwa mucherechedzo rwemhuka dzesango. Nyika yeUSA inemucherechedzo rwegondo. Nyika yeRussia inemucherechedzo rwebere, nyika yeChina inerupawo rwechipuka chinofemamoto.

    Makore akawanda akapfuura, Mwari akaratidza Danyere mamiriro ehushe hwepanyika hwese kusvikakumagumo kwenyika. Danyere akavanehope paakaona chipuka chekupedzesera “chakasiyana nezvimwe zvese” Danyere chitsauko chechinomwe: ndima yegumibepfumbamwe. Ko chaigosiya nezvimwe seiko? Pakanyorwa munaZvakazarurwa Chitsauko gumin ezvinomwe: ndima yechitatu zvinoratidza kuti chipuka ichi (nyika) chaizove nemhumhukadzi (chechi) anotonga.

    Mazuva ano pane kwamakamboona here chechi nenyika zvichishanda pamwechete zvinemasimba anozikanwa maererano nekuzvematongerwo enyika? Izvi zvinoonekwa chete muChechi yechiRoma.

    Papa vanotungamira Chechi yechiRoma vane masimba makuru uye vane vatendi vanopfuura zviuru zvezviuru munyika dzese-dzese.

    "Papa vatsva, vanotera mumashura maPeter, ndivo vachave nemasimba uye ndivo vachabatanidza mabishupu nevatendi vese munyika." Gwaro re Vatican Council II (1962-65)

    "Mubati wechechi wega-wega akasungirwa kuterera Papa kunyange zvake achiona kuti Papa varikukanganisa, sekuti hapana anobvumirwa kusaterera Papa" Gwaro raPope Innocent III (1198-1216)

    Panguva imwecheteyo Papa ndivo mambo weguta rinonzi Vatican City. Guta rinonziThe Vatican idunhu rakazvimirira rakaita senyika kunyange richiwanikwa munyika yemaTariyana. Izvi zvinoreva kuti simba rinaPapa rkabatanidza kunamata nematongerwo enyika. .

    2. Chechi yeRoma inesimba guru rakawanikwa nekuti yakabuda mukati memhomho yevanhu:

    Izvi zvinotiratidza zvakanaka mabudiro eChechi yechiRoma mukati menyika dzakawanda dzakanga dzakasimba muYuropu.

    3. Mviro-mviro dzeChechi yeRoma dzakazara nemanyepo:

    Vanoziva vechiKatorike vanotsinhira kuti zvekunyepa ndomagariro avanapapa. VaHans Kung, mumwe muprista wechiKatorike uye vaivenyanzvi munezvechechi vaishanda ku Second Vatican Council (makore 1962 kusvikira1965), vakati karakare pakutanga vanapapa vazhinji “vaiwedzera masimba avo nekunyora magwaro avaiziva kuti ndeekunyepa. Gwaro rinonzi The Catholic Church: A Short History (rakaturikirwa na John Bowden), p. 61

    Gwaro rinozikanwa zvikuri remanyepo rinonzi Donation of Constantine, rakanyorwa musiwa30 mwedzi waKurume gore, 315 AD, pakanzi Chechi yechiRoma yakanyora gwaro remanyepo rekuzviwedzera masimba. Nekushandisa gwaro iri Papa Stephen Wechitatu mugore reeighth century vakakwanisa kunyengera vaPepin, mambo wema Franks, kuti nyika dzese nematunhu dzema Lombards dzaive dzapihwa Chechi yechiRoma nava Constantine. Izvi zvakakonzera kuti pave nehondo huru pakati pa Pepin neve Lombards vachirwira kutonga maguta aidiwa napapa. Kwakazoti mugore ra1440, zvakaonekwa kutigwaro riya raive remanyepo uye rakanga ranyorwa nemushandi ainziLorenzo Valla, kunyange zvakazikanwa hapana kana papa akabvuma kuti paive nemhosva yekunyepa. Nanhasi pachakanyorwa muchechi inonzi St. John Lateran irimuRoma ichitaura pamusoro pemanyepo aya.

    Papa vanodaidzira kuti ngapave nematongerwo enyika matsva:

    “Zvikabva ku GUTA REVATICAN (vatapi venhau vekwaAP) – Papa John Paul Vechipiri vakatanga gore idzva nekudaidzira kuti ngapave nematongerwo enyika matsva matongerwo aya anofanira kuremekedza vanhu vese zvakaenzana uye pavenekubatana kwakaenzana pakati penyika dzese.”  China, Ndira 1, 2004 Zvakashambadzirwa panguva dza: 9:21 mangwanani EST (1421 GMT)  

    “"Chikuru apa ndechekuti matongerwo enyika dzese anokurudzira Kuaramba Kristu – zvavanodaidza kuti Matongerwo Matsva Enyika – anove ndiwo -- manyepo makuru aripachena. Vakatanga nezveMatongerwo Matsva Enyika aya vanopota vachivhaira ne kuronga manyepo, nekuti vanechokwadi chekuti mhomho yenyika dzese haina njere uye ine nungodzekuona zvakanaka. Vanofunga kuti ivo vanoziva nezve Matongerwo Matsva Enyika uye vachabudirira kana vakaronga kunyepera mhomho yese.” Mazwi aBill Cooper, "Behold A Pale Horse” p.49

    4. Chechi yeRoma yaitonga nyika dzese zvehudzvinyiriri kwemakore chiuru mazana maviri nemakore makumi matanhatu. Nguva iyi yakavenematangiro ay one ‘chironda chinouraya’ kumagumo:

    Chechi yeRoma yakawana chironda chinouraya mugore ra 1798 nekuti mugore iroro [Papa Pius Vechitanhatu] vakanga vari mutapwa munyika yeFrance zvakanga zvarongwa naNapoleon.

    “Mugore 1798 VaGeneral Berthier vakapinda munyika yeRoma vaka pazanura matongerwo avanapapa, vakati ngairege kutingwa zvechechi asi sevanwe vese.” Gwaro Encyclopedia Britannica, 1941 edition

    Kanatikatora kuti gore ra 1798 ndipopakaguma zvakapoforitwa tichidzokera makore chiuru mazana maviri nemakore makumi matanhatu tinosvika kugorera 38 AD. Kuti vanapapa vazadzikise mucherechedzo rwavo kwaifanira kuvenechinhu chikuru chakaitika mugore ra 538 AD kuti nyaya itange.

    Vanotaura ngano vanoti mugore ra 533 AD mutongi wechiRoma ainzi Justinian ndiye akatanga nekupa vanapapa masimba ekutonga kuve ‘musoro’ wechechi dzose kumabvazuva nekumadokero kwenyika yese yeRoma. Asika mugore 538AD humambo hwavana papa hwakasunungurwa kumudzvinyiriri wekupedzisira wechiArian, ainzi Ostrogoths (vaive ndivo vatongi veMatariyana mazuva iwayo) apa vana papa vakave ndivo vatongi vakasimba kunyika dzese dzekumadokero. Zvinoreva kuti mugore ra 538 AD nguva yakanga yakwana yekusimudzirwa kwemasimba avanapapa.

    “Anonzi Vigilius...akatora chigaro chehumambo hwapapa (mugore538A.D.) akachengetedzwa nemasoja ava Belisarius.” Gwaro rinonzi History of the Christian Church, Vol. 3, p. 327

    Humambo hwapapa pahwakange hwawedzerwa, vakatanga kudzvinyirira vetevedzeri vavo nevamwewo vakanga vachitonga varimadzishe munedzimwe nyika dzeYuropu. Ipapo vana papa vakaisa mitemo yakaoma kuitira kuti simba rave rikunde remadzishe emuYuropu ese:

    “Hofisi yapapa yakanga yaka mirira kudzinyirira madzishe nemadzimambo pasi petsoka dzavo.” Gwaro ra J.H. Ignaz Dollinger, The Pope and the Council, ( London), p. 35

    “Zvino musatye,kana tichiratidza hasha dzedu nekundindinira kwekuranga kwedu; sekuti Jesu Kristu ndiye akatipa basa iri [vana papa] nemuromo wake akati tisu vatongi chete vevanhu vese panyika; kunyange madzimambo chaiwo anofanira kuterera isu.” Gwaro rakanyorwa naPope Nicholas Wekutanga (mugore 858-867 AD)

    Mumagwaro ekutonga kwaPapa Gregory weChipfumbamwe, akanyorwa mugore 1372 AD, pane rinonzientitled In Coena Domini, papa vakataura kuti humambo hwavanapapa hwaifanira kunzwika kunyika dzese dzechiKristu, vanotenda nevasingatende, uye vakangavasinga vasinga terere vanapapa nevakanga vasingaripe maridzemutero vaizodzingwa. Uyu mutemo wakanga uchitevedzerwa navana papa vaitevera kuzoti mugore ra 1568AD Papa Pius Wechishanu akati mirawu iyi yaizogara iripo nekusingaperi.

    Mashandisirwo emutemo uyu anowanikwa pamabatirwo akaitwa Mambo Henry Wechina , Emperor wenyika yeGermany na Pope Gregory VII gore ra1077 AD. Apa mambo akanga achinge asiri kuda kutevera mutemo wapapa, izvi zvakaita kuti mambo abviswe pachigaro adzingwe munyika make. Mambo Henry akaona zviri nani kunokumbira ruregerero akayambuka makomo anechando chinotysa anonzi maAlps kunokotama kunapapa. Apo mambo Henry paakasvika kumuzinda wapapa akamiswa panze asina shangu kana ngowane asina kunyatso pfeka muchando. Zvakatora mazuva matatu mambo vachireurura vasingadye kuti varegererwe.

    Nanhasi nyaya yemasimba makuru avanapapa akapfuura madzishe ichiripo:

    Papa Vakuru Vekutanga [papa munyika yeRoma] Havana munhu anovagadzika pasi. Papa Vakuru veRoam ndivo vega vanemvumo yekutonga…kunyange vakasarudzwa kutinga kunyika dzavo…Kana Papa vatonga hapana mumwe anezvaangataure kana kumwe kwaangaende kunochema.” Gwaro rinonzi The Code of Canon Law (Paulist Press, 1985), pp. 951, 271

    5. Chechi yeRoma yakafurufusha maKristu kwemakore chiuru mazana maviri nemakore makumi matanhatu:

    Panguva iyi (inodaidzwa kuti Middle Ages), veChechi yeRoma ndivo vaive vakabata Yuropu, uye mugari wega-wega aive akasungirwa kupinda Chechi yeRoma. Munhu wese aidiwa kui akotamire papa nekuti kusaita izvi kwairovesa kana kuuraisa. Izvi zvakakonzera Chechi yeRoma kuti ive chichi yayi furufusha vanhu zvakasimba muchechi dzese dzepanyika. Izvi zvakanoyorwa mugwaro rinonzi Vicars of Christ: the Dark Side of the papacy, by Peter de Rosa, p. 180

    “Pamhosva yekunamata imwewo chichi isiri yeRoma zvakakonzera kupondwa uye vanonyora vanoti zvakonzera kupondwa kwe vanhu vanemazana ezviuru Gwaro rinonzi Brief Bible Studies, p. 16

    “Tinofanira kutora nguva Yekufurufushwa nwkupoda… senguva yakazara zvese zvitema zvakanyorwa pamusoro pezvinowanikwa muvanhu.” Gwaro rakanyorwa na Will Durant, The Story of Civilization, vol. 4 , p. 78

    “Tnoziva kuti Chechi yeRoma yakadeura ropa risina mhosva kupfuura nzvimbo dzese dzinozikanwa uye hapana achabvunza kubva kuvaTendi vechiPurotesiti kunyange vane ruzivi rwakakwana. Zvakaoma kuti tizive kuti vangani vakawira mudambudziko nechechi yanapapa asi munozvionerawo pakuverenga kuti vanhu vakashushikana zvakaoma zvisingataurike.” Gwaro rakanyorwa na W. E. H. Leeky, rinonziHistory of the Rise and Influence of the Spirit of Rationalism in Europe, Vol. 2:32, 1910 edition

    Mukaverenga gwaro rinonzi Catholic Encyclopedia, Vol. 12, page 266, munowana panenaya yakareba yekutonga kwaiitwa neveChechi yechiRoma pakuranga 'vasingatende', mhosva yavo ichingova yekuti vaive maKristu aitevedza Baieri vasinga tvedzere vanapapa.

    6. Chechi yeRoma ine 'chironda chinouraya' uye hachizopora zvichashamisa nyika yese:

    Pakafa Papa Pope Pius Wechitanhatu arimuhubatwa kuFrance gore ra1799 nyika yese yakafunga kuti ndipo paiguma Chechi yeRoma. Aska tinoziva kuti Mwari akatiundza zviuru zviviri zvemakore zvakapfuura kuti chironda chinouraya chechipuka chaizopra. Onai zvakanyorwa nepepanhau rinonzi New York Times richitaura pamusoro pekupora kwechironda ichi zvinoreva kurarama kwavanapapa:

    “CHIRONDA CHINOURAYA CHAKAPORA: Roma, June 7.—Kubvira panguva dza11 mangwanani anhasi pakaumbwa humwe humambo hwakazvimirira munomuNyika. Pamguva iyoyo Mubati wenyika Premier Mussolini vachinjana magwaro ehushenematongerwo enyikana Cardinal Gasparri, vaanovePapal Secretary of State, vakamirira Popa Pius Wechipfumbamwe. Vakanyorerana magwaro aya ku Lateran Palace musi waFeb. 11. Pakunyorerana magwaro aya zvavekutoreva kuti nyika inonzi State of Vatican City yatosikwa, yatovepo.”    Bepanhau rinonzi NewYork Times, July 7, 1929

    Bepanhau rinonzi San Francisco Chronicle rakati ‘kupora kwechironda’ kwadaidzirwa nenzira iyi:

    “VaMussolini nava Gaspari (Cardinal) VaNyorerana Chibvumirano …Chironda Chabva Chapora uye zvicharamba zvakadaro kwemakore.”    Bepanhau rinonzi The San Francisco Chronicle, July 7, 1929

    Nyika ichiri ku ‘shamiswa’ here panezvakanyorwa pamusoro panapapa, kanamaverenga zvakanyorwa muBaiberi?

    “Nzira yekuremekedza Papa John Paul Wechipiri, mumwe wevanhu vakurusa zvinoshamisa kunyatso terera nemazvo zvese zvaanotaura; uye kanamadaro munenge materera mazwi ake uye mazwi nezvidzidzo muzvitevedzera muno mu America. Ndiwo mutoror mukuru watinofanira kutambira.” Mazwi akataurwa na President George W. Bush, musiwa March 21, 2001

    Papa John Paul Wechipiri ndiye munhu anesimba rakapfuura vamwe vanonamata rekuita zvakanaka munguva yatiri ino.” Mazwi akataurwa na Billy Graham mu Saturday Evening Post, munaJan-Feb. 1980

    “Ndinoyemura Papa Pope John Wemakumi maviri anemaviri chaizvo. Ndinofunga ndiye akaunza maitiro matsva muno munyika”. Mazwi akataurwa na Billy Graham, mu Chicago Tribune, musiwa June 8, 1963

    “Papa John Paul Wechipiri akapachidyo chitsvene kuvanamati vechiSpanish vanopfuura zviuru zvezviuru kuMexico City.” Bepanhau rinonzi The New York Times, musiwa Jan 25, 1999

     “MusiweChitatu manheru, apo Papa Vatsvene pavaifamba nava Vice President Gore vachitevedza tara vachienda …kunokwira ndege inonzi"Shepherd I" kutivadzokere kuRoma, vanhu vakachema, vakapururudza, vakasimudza tumachira tuchena vachidaidzira"Papa John Paul Wechipirir, tinokudayi!"...Izvi zvakaitika kwechinguva chipfupi asi zvakaratidza kufarirwa nekuremekedwa kwakaitwa Papa pavakashanyira kuguta reSt Louis.” Nhau dzemusi wa Jan 28, 1999 (EWTNews)  

    “Hapana kukahadzika kuti papa Paul Wechitanhati, pamwechete naPaul Wemakumi Maviri nematatu nad John Paul Wechiprir ndivo vacharangarirwa chaizvo pahutatu hwavo sevanhu vakanga vari vana Papa vakaunza runyararo, vakatanga basa rekukurudzira ChiKatorike kuchipinza muNyika Itsva.” Mazwi akataurwa na Robert Muller, akanga ari U.N. Assistant Secretary General

    7. Chechi yechiRoma ndiyo inemucherechedzo rwe 666:

    Zita rapapa riripamutemo rinonzi “Vicarius Filii Dei”, kanatikaturikira zvinoreva kuti, “Mumiriri weMwanakomana waMwari”. Kana muchida kuzadzikisa izvi onai zvakanyorwa nerimwe pepanhau rechiKatoriki rinonzi, Our Sunday Visitor remusi wa April 18, 1915 rakanyorwa: “Zvakanyorwa pangowani inopfekwa napapa ndeizvi: ‘Vicarius Filii Dei’”. Sezvo mamwe mazvi echiLatin achimirira zvinosanganiswa mavara aya akasanganiswa anokwana 666.

    8. Chechi yeChiRoma inomhura kana ichiti ndiyoMwari sesvo ichiregerera vanhu zvitadzo:

    Tinotora nyika ino senzvimbo yaMwari Musiki Mukuru.” Papa Leo XIII, vachinyora mutsamba inonzi an Encyclical letter, dated June 20, 1894

    “Papa havazi mumiriri waJesu Krist panyika asikuti ndivo Jesu Krist, pachake arimunyama.” Bepanhau rinonziThe Catholic National, July 1895

    “Asika zivai kuti mudzidzisi mukuru muChechi ndi baba vanonziRoman Pontiff…[vano] fanirwa…kupfugamirwa nekunamatwa uye nekutererwa panezvese… sekunge Mwari Pachake.” Papa Leo XIII, vachinyora muthe Great Encyclical Letters, p. 193

    “Iyezvino tavekuona Papa John Paul II kuti vavekutonga mamwemachechu vari panzvimbo iripamuchinjikwa yaKristu. Kubva mupepanhau rinonzi, “Auckland Bishop Says Pope Presides From the Cross” AUCKLAND, New Zealand, SEPT. 20, 2004, Zenit.org

    “Zvirokwazvo tinenge tichitaura chokwadi kana tikati nezvigaro zvavainazvo ma prista ndivanaMwari.” Zvakataurwa na Pope Innocent III

    Chechi ye Roma yakaitakuti pave ne 'musika' pano pasi unotengesa zvinodiwa nemunhu wese uye zvisina mumwe anogadzira kana kutengesa. Chechi yakazvipira kutengesa nyasha dzaMwari. Nyasha dzinpiwa naMwari kumhunu wese nekuregererwa zvitadzo zvinhu zvaMwari. Zvino chichi iyi inozvitora ichimhura ichiti ndiyi inogona kuregerera zvitadzo.

    “Iri simba riripamutemo richasanganisa kuregererwa kwezvitadzo Bepanhau rinonzi The Catholic Encyclopaedia Vol.12, -article “Pope”,  p. 265

    “Kana Mwari pachake akasungirwa kuterera zvinenge zvatongwa nemupristaod himself is obliged to abide by the judgment of his priest saka anogona kusaregerera kana kuregerera zvitadzo, kana achiona kuti mutadzi anozogina kutendeuka.” Zvakanyorwa mugwaro rinonzi Dignity and Duties of the Priest, p. 27, New York: Benziger Brothers, Printers to the Holy Apostolic See, 1888

    9 Chechi echiRoma inmhura nekuti inozvipa mamwemasimba aMwari chete:

    Heino imwe miratidzo yekumhura kunoitwa neChechi yechiRoma:

    “Muprista anesimba uye anogona kukiyinura, kana kununura vatadzi kuvabvisa mugehena, kuvagadzirira kuti vadye humambo muparadiso, kuvabvisa mumakatani aSatani nekuvaita kuti vave vana vaMwari. Mwari pachake anofanira kutevedzera zvaitwa nemuprista ...Mambo mutsvene Mambo wezvese zviripanyika anotevera muranda nekubvumura zvirikudenga kuti zviitike pasi pano.”  Mazwi a Liguori, achinyora mu“Duties and Dignities of the Priest”, pp. 27, 28

    “Saizvozvo dzimwenguva muprista anogina kudaidzwa kuti musiki weMusiki Wake, nekuti kana achitaura mazwi ekugadzira chiraro anenge achimutsa Jesu muchirariri achiti vatende ngavadye sekuti ndiye amusika uye agomupa hupenyu husinga peri agere naMwari…Simba remuprista isimba raMwari sekuti kupindura chipapata kuve muviriwaJesu zvinotoda munhu anesimba rekusika nyika.” Mazwi a Saint Bernadine of Sienna

    “Maprista ndivo vachaponesa nyika” Mazwi a Saint Jerome

    Chechi yeRoma yakamhura zvikuru kupfuura mamwe machechi. Chechi iyi yakatora mirairo yaMwari inegumi. Pano Chechi yakamhura zvikuru nekuti yakazvishandurira mutemo waMwari. Ikagopamhidza zvakare nekushandura wechipiri nekuti unorambidza kuvenezvimwe zvimwari. Yakashandura musi wekunamata wakanyorwa pamutemo waMwari weChina kuti vanhu vanofanira kunamata musiweMugovera asi ivo vanoda kunamata musiweSvondo. Mitemo iyi ndeyaMwari yakapiwa kuna Adamu kuti ichengetwe uye tose takabvumira kuichengeta. “Mitemo yenyu handiyityore, uye handikanganise kana chiyi chichataurwa nemuromo wangu” Mapisarema Chitsauko Makumi masere: ndima makumi matatu nena.

    Mitemo ineGumi zvimwe zvezvinhu zvakataurwa nezwi raMwari kumhomho zvirimuBaiberi. Kuitira kuti Mozisi asakanganwe Mwari akanyora neruoko rwake akapa kuna Mozisi . “Aya mazwi [Mitemo ine Gumi] aka taurwa naIshw kwamuri mese makaungana …hapana akapamhidzirwa. Uye akanyora pamabgwe maviri …” Deterenomi Chitsauko chechishanu: ndima makumimaviri nembiri.

    Kristu akapamhidzawo kutaura achiti Mitemo Yegumi iyi haina anopikisana nayo paakati, “zvirinyore kuti denga nepasi zvese zvipere, panekuri mutemi umwechete zvawo ukundikane” Ruka Chitsako gumi nenhanhatu: ndimayegumi nenomwe. Zuva rinopenya mudenga, nepasi pamunogara ndezvimwe zvezviratodzo zvekuti mitemo yaMwari haipinduke uye ndeyekusingapere. Zvimwe zvese zvinopera asi mitemo yake icharamba iripo. Kristu pachake akatsinhira achiti “Musafunge kuti ndauya kuzoparadza mitemo, kana vaprofita. Handinakuuya kuzoparadza asi kuzozadzikisa. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri Kusvikira denga nepasi zvipfuure, hapana kana chimwechete zvacho chichabviswa pamitemo, kusvikira zvese zvazadzikiswa” Mateyo Chitsauko chechishani: ndima guminenomwe negumi nesere.

    Chechi yeChiKatorike hainyare kuti yakachinja zuva rekunamata. Chechi inodada nazvo sekuti inozviona se’chiratidzo’ chemasimba akapfuura dzimwe chechi dzevamwe.

    “Zuva ree Sabata, zuva rinozikanwa chaizvo pamutemo, rakachinjwa kuve zuva raMambo. Izvi hazvina nebasa rese nekuti pane mirairo yakabva kuna Kristu (nekuti akati iye, handina kuuya kuzoparadza mitemo, asi kuzoizadzisa), asi nenzira yemasimba echechi zva irirakachinjwa,” Mazwi aArchbishop of Rheggio, Sermon on 1-18-1562, Mansi XXIII, p. 526  

    “MusiweSvondo izuva rakagadzikwane veKatorike, kuchengetedzwa kwaro Mabatirwo ezuva iri ano chengetedwza chete neveKatorike...Muzvinyorwa Zvitsvene hapana kana panowanikwa kubva pamavambo hapana kanachimwechete chakanyorwa kana chinobvumira kuchinja uku kwezuva rekunamata kuti kuve pazuva rekutanga kwesvondo kwete pakupedzisira kwesvondo.” Bepanhau rinonzi Catholic Press, Sidney, 8-25-1900 

    “MuBaiberi rese hapana pazvakanyorwa kuti zuva rekunamata rishandurwe kubva kuMugovera kuenda kumusi weSvondo. Chokwadi ndechekuti chichi yakanga iriko kwemakore Baiberi risati rawanikwa kunyika dzese. Chechi ndiyo yakabuditsa Baiberi; Baiberi harina kukonzera Chechi.” Zvinhi Zvinobvunzwa kuMakatorike, gwaro rakanyorwa na Martin J. Scott, 1927 ed, p. 136

    “Tino chengetedza zuvareSvondo tichisiya zuva reMugovera, tinoita izvi nekuti Chechi yechiKatorike yakatora zvirango zvaivekoneMugovera zvikaendeswa kumusi weSvondo pavakanyorerana mirawu ku Laodicea mugore ra364 AD.” Gwaro rinonzi The Converts Catechism of Catholic Doctrine, from P. Geiermann, the work of Pope Pius X, on 1-25-1910  

    Saizvizvo veChechi yeRoma vanoona zuva reSvondo riri imwe nzira yekuratidza simba ravo kuvanhu vese.

    “Zuva reSvondo harizi chiratidzo chemasimba. Tinoziva kuti chichi ndiyo yakatanga pasati pava neBaiberi saka kutevera musi weSabata kunowanikwa muzvinyorwa.” Bepanhau rinonzi The Catholic Record,London, Ontario, September 1, 1923 

    “Izvi zvekuchengetedza zuva remusi weSvondo zvinoitwa nemamwe machechi ndezve kukudza uye nekuremekedza, uye havagone kuzvirega, masimba ne hutongi hunoitwa neChechi (yechiKatorike). Bepanhau rinonzi Plain Talk About the Protestantism of Today,byMonsignor Segur, p. 213

    “Chiripo apa ndechekuti mamwemachechi aya haaone kuti . . .kana vakaku chengetedza zuva reSvondo. . . vavekutambira kuti hutongi hunobva kumumiriri wechechi kana papa.” Bepanhau rinonziOur Sunday Visitor, Catholic weekly, Feb. 5, 1950

    “Asika vabati veCheci yeChiKatoriki vanot ivo machinjirwo aya ndeavo uye … mucherechedzo wemasimba akaenzana neekudenga avainawo anovapa simba re hutongi munyaya dzese dzezvekunamata.” Bepanhau rinonzi Office of Cardinal Gibbons, through Chancellor C. F. Thomas, Nov. 11, 1895

    Kubva kuhufakazi hwatinahwo hwakawanda tinokwanisa kutaura kuti chipuka chakataurwa muvaZvakazarurwa Chitsauko chegumenezvitatu nechitsauko gumenezvina iyo yakare Chechi yeRoma ndiyo inemucherechedzo wechipuka uye (mucherechedzo wechipuka) kuchengetedza zuva reSvondo kuita rekunamata.

    Seiko kuziva nezvemucherechedzo uyu kwakakosha? Makabambo sayina magwaro here kana kunopiwa gwaro rinoreva kuti zvirimariri ndezvechokwadi? Makambopa here ‘chidindo chenyu’ kumwewo? Hurumende dzese dzakasungirwa kuita izvi Kana gwaro risina kudindwa kwakadai harina zvarinoshanda. Magwaro ese anobav kuHurumenda ano fanira kuvanemucherechedzo weHurumende. Chiiko chinotarisirwa pamicherechedzo yakadai? Gwaro rehurumende rinofanira kuve mucherechedzo uye rakafanira kuvene zvinhu zvitatu izvi:

    • Kuve ne Zita remunyori mukuru  
    • Kuve ne chigaro chemunyori
    • Kuve ne dunhu kana nyika

    Kana mubati kana President wenyika yethe United States achinyora pagwaro kuti rive mutemo, anofanirwa kunyora akadai kuti, George Washington zita), President (chigaro chemunyori) we United States of America (dunhu kana nyika). Magwaro ese anobva kwaari anofanirwa kunyorwa nenzira iyi. .

    Kana tichi tarsa kuMusiki wedu Mukuru, tinoona kutu ane Denga Dzvene rese sedunhu rake. Saka gwaro riripamurawu rinemitemo yake ndiro re Mitemo Ine Gumi. Kana mukatarsa mukati mayo munowana mucherechedzo waMwari wedu mupenyu ooking directly in the midst of them you will find the seal of the living God! Nekuti mumashure memazuva matanhatu MAMBO akasika denga nenyika negungwa...” Exodus 20:11.

    Cherechedzai zvakare kuti panezvinhu zvitatu zvinofanira kuvepo kanagwaro riripamutemo:

    • Zita:MAMBO( “Ndini Mambo:ndiro zita rangu” Isaiah 42:8 )
    • Chigaro : MUSIKI ( “ ndiye MAMBO akasika )
    • Dunhu/Nyika:DENGA NE NYIKA ( Denga nenyika )

    Zviripachena kuti rupawu rweMusiki rwuripo pamitemo yeSabata. Zviripachena kuti ndiye anesimba rekutonga sezvo ariyeMusiki. Kana tichichengeta Sabata, tirikumukudza seMusiki wedu, uye tichizivisa vamwe kuti ndiye Musiki wedu.

    Tine nguva yekumunamata saMwari, Musiki wedu. Kana tichichengeta zuva rekunamata rakasarudzwa naMambo tiri kuitira kuti nyika yese iwone kuti nyka yese ndeyeMusik. Muiti wezvakaipa anonzi, "Lucifer" anorwisa kuchengetwa kweSabata nekuti anoda kunamatwa iye “sekunge ndiye Mukuru Mukuru” Isaiah 14:14 . Musiki wedu anoda kunamatwa newe musiweSabata nekuti ndiro zuva raakasika, asika Satani semunhu anoda kuzviita Musiki anoda kunamatwa musiweSvondo zuva rake. Uchasarudza zuva ripiko?

    “Uye munofanira kuremekedza masabata angu ese, uye pachave nechibvumirano pakati penyu neni, uye munofanira kusziva kuti ndini MAMBO Mwari wenyu.” Hezekiya chitsauko makumi maviri: ndimayemakumi maviri.

    Kuona Mufananidza Wechipuka

    12. Zvino chiiko chamungati ndiwo mufananidzo wechipuka, watinoyambirwa nawo naMwari kuti tisaunamate is the image of the beast, which God is warning us not to worship?

    Kuti mukwanise kuona mufananidzo wechipuka munofanirwa kutanga magona kuona chipuka chinenyanga mbiri chinobatsira kuti muzive mamiriro echipuka:

    “Apa ndakaona chimwe chipuka chichibuda muvhu; uye chaive nenyanga mbiri segwai, asi chichitaura sechipuka chinofemamoto. 12 Uye chakanga chinemasimba akaenzana neechipuka chakaonekwa kutanga uye chakaita kuti pasi rese nevanogara mariri vachinamate, uye chaive nechironda chinouraya chakangechapora …14 …vachiti kuna vose vanogara pasi pano ngavazvigadzirire mufananidzo wechipuka chakanga chineronda rekubaiwa nezibanga, chikararama. 15 Uye aive nesimba rekupa hupenyu kuchipuka ichi, uye chipuka ichi chaigona kutauura chigogona kuti vanhu vese vasingachinamate vaurayiwe. 16 Chikakonzera, vadiki nevakuru, vapfumi nevarombo, vakasununguka nevasungwa kuti vavenerupawo muruwoko rwekudya kana kuti pamhanza.: 17 Uye hapana munhu aibvumirwa kutenga kana kutengesa chinhu asina rupawu urwu, kana kuti zita rechipuka ichi, kana mavara ezita racho” Zvakazarurwa Chitsauko guminenhatui: ndima yegumi neimwe kusvika kuneyeguminembiri, yegumineina kusvika kune neyeguminepfumbamwe.

    Chipuka chinenyanga mbiri ichi chine zvinoonekwa zvakadai :

    1. Chipuka chauya mugire rakatanga kuonekwa pakakuvadzwa papa vaine chironda chinouraya mugore ra 1798, “chimwe chipuka chichauya Zvakazarurwa Chitsauko guminenhatui: ndima yegumi neimwe .

    2. Chipuka ichi chakabva muvhu, zvakasiyana nechekutanga chakabva mugungwa. Kana 'gungwa' richireva mhomho yevanhu venyika dzese 'ivhu' rinoreva matunhu asina vanhu vakawanda. Saizvozvo dunhu rakadai raizobudirira mukati mevamwe.

    3. Chipuka ichi chinyanga mbiri dzinenge dzegwai. Tsananguro yakapiwa muBaiberi nyanga inoratidza masimba. “Akanga aine nyanga…uye samba rake raive rakahwanda munyanga idzodzo” Habakuki chitsauko chechitatu: ndima yechina. Saizvozvo, nyika ino ine nzvimbo mbiri dzemasimba dzakasiyana. Uyewo zvakare mufananidzo wegwayana unoshandiswa kuratidza Kristu; saka tingati nyika ino yakaumbwa nemitemo yakanaka yechiKristu.

    4. Asika onai kuti chipuka chinotaura sechipuka chinemoto; nyika 'inotaura' ichishandisa mitemo nematare ayo. Zvino 'nyanga dzininge dzegwai' ne 'kutaura sechichipuka chinofemamoto' zvinoratidza kusiyana nezvatinoziva zvakamirira runyararo nezvakamirirwa nenyika ino.     

    Mudiwa anoverenga pano tinokumbira zvakare kubvunza kuti ndeipiko nyika ine micherechedzo yese iyi yataurwa? Hapana imwe mhinduro: Inyika Ye United States yeku America.

    1. Nyika yeUSA yakatangwa mugorera 1798: Pane nyika imwechete chete yakanga ichitanga mazuva iwayo nekuti ndiwo mazuva pakang apachipera masimba avanapapa 1798. Kuporofita uku kwakangangana nenyika ye United States. Nyika ye USA yakagadzira Bumbiro remitemo remibatanidzwa yenyika mugore 1787 .

    2. Nyika ye   USA yakavakwa munyika musina vanhu vakawanda: Nyika yeUSA haina kubuda muneimwe Nyika Tsaru yakanga yakazara mhomho dzevanhu,asi muNyika Itsva, ine vanhu vanogaramo vashoma.

    3. Nyiak yeUSA ine nzvimbo mbiri dzemasimba dzakagadzirwa nemitemo yechiKristu: Nyika yeUSA ine matongerwo enyika akasiyana sekuti hurumenda nechechi hazvisipamwechete zvinematongerwo akaenzana asi akasiyana zvakagadzirwa neBumbiro remitemo. Matongerwo enyika aya anowanikwa muhurumende yenyika ye USA, zvinoreva kuti nyika yeUSA yakafanana neHumambo (humambo husina mambo kana ishe) uye Chechi dzimwe (chechi isina papa), nzvimbo dzese dzine masimba adzo akasiyana uye dzisina kubatana. Uye nyika iyi yakaita segwayana ndivo zvinoita kuti vanu venyika zhinji vanoshushwa vapotere kwairi.

    “Musiki anoda kuti umunamate musi wezuva rake reSabata, asi Satani wo sezvo achida kuzviita seMusiki anoda kuti umunamate nemusi wezuva rake reSvondo. Uchasarudza ripiko zuva?”

    Nyika yeUSA inotaura sechipuka chinofemamoto: Zvamunofanira kuziva ndezvekuti Bumbiro remitemo renyika yeUSA rinopa mhunu ega-ega kusununguka kuti azvisarudzire zvaanoda. Hapana chimwe chakakosha kukunda izvi. Asi zvichaitika ndezvekuti nyika yeUSA ichatanga kurambidza vanhu zvimwe zvakanyorwa muBumbiro remitemo. Chinonyanya kuonekwa chiripamberi inyaya yekuti vanhu ngavanamate musiweSvondo.

    Kuitika kwezvinhu zvakadai hakufambirane ne magariro enyika dzinofunga zviripamberi nezvenhengo dzinobatsira matongerwo enyika akanaka, kunyanya kusununguka kwakanyorwa muBumbiro remitemo yekuzvitonga. Bumbiro remitemo rinotsanangura zvakakwana kuti "Kongiresi haitenderwe kuisa murawu unokanganisa manatiro evanhu uye kusarudza manamatiro avanoda, vakazvisunungukira" uye nekuti "hapana kuongororwa kwemanamatoro evanhu kuchaitwa kune ava vanenge vachida kupindamumabasa ezvematongerwo enyika munyika yeUnited States."

    Mabasa akaipa aya nekusangarisana kwakanaka kwemitemo iyi kunoratidza mucherechedzo. Ichi chipuka chinenyanga dzinenge dzegwai - dzinozikanwa kuti hadzikuvadze – tchinotaura sechipuka chinofemamoto. Kana tichitarisa zvirimunhau mazuva ano nemaziva achango pfuura tinoon kuti zvakanyorwa muBaiberi zviya zvakafanana nezvirikuitika.

    “Uye ndinotsigira mabasa ese anoitwa nevatendi arikukumbirwa, sekuti handifunge kuti panechirikukanganiswa bakati pemasimba echechi neematongerwo enyika. Ndinozviona zviri zvinhu zvichaita kuti nyikayeAmerica ive nyika yakabudirira” Mazwi akataurwa nava George W. Bush, vachitaura pamusoro penyaya yemitemo unonzi Establishment Clause, zvakanyorwa nava Conrad Goeringer, AANEWS #889 (February 28, 2001)mubepanhau rinonzi American Atheists. Izvi zvirikupokana neBumbiro remitemo renyika rinosungura hurumende kuti "iremekendze kugadzikwa kwenzvimbo dzekunamata kana kutenda."  

    “Isu tinokudza kutenda.”
    Mazwi akataurwa nava George W. Bush, ku Greensboro, North Carolina, October. 10, 2000, zvakatorwa naa Jacob Weinberg, mubepanhau rinonzi “The Complete Bushisms”

    “Zviripachena kuti zvirikutaurwa zvinoreva kuti hutongi hwava George W. Bush muno munyika yeAmerica ndehwechiKristu uye vasirimaKristu vanozotambirwa muno kana vachibvuma kuti havaenzane nemaKristu.” Mazwi akataurwa nava Alan M. Dershowitz, muchinyorwa chinonzi "Bush Starts Off by Defying the Constitution,"mubepanhau rinonzi Los Angeles Times, January 24, 2001  

    Zvakapofofitwa Zvavepedyo Kuzadziswa

    13. Zviripachena kuti chipuka chinenyanga mbiri chinoreva nyika ye USA. Ko hukamai huripakati pechipuka ichi nenyika yeUSA?

    Kunanyange zvayo nyika yeUSA yakasikwa zviripamitemo isingawirirane navanapapa, nhasi uno tinoona kuti nyika dze USA ne Vatican dzavakushanda pamwechete uye chichidyidzana kuti dzive ndidzo dzinovepamusoro pedzimwe. Baiberi rinotuudza kuti mumwe musi usiri kurenyika ye USA ichaisa mutemo wekuti vagari vemunyika umu evagari venyika dzese vanofanirwa kutanga kunamata chipuka chinove ndich chakamirira vanapapa. “Uye iye [nyikayeUSA] ichashandisa simba rechipuka chekutanga [zvavanapapa] chigozonenderera chichikonzera nyika yese [kutanga nenyika yeUSA, kozotevera pasi rese] navo vese vanogara munyika kuti vanamate chipuka chekutanga [kuchengeta zvavanapapa zvekunamata musiwe Svondo] , chine chironda chinouraya[chakawanikwa mugorera 1798] chikapora [mugorera1929] …achiti kwavari vese avo vano gara muno munyika vakasungirwa kuita chimufananidzo chechipuka [kutsinidza zvakaitwa navanapapa pavakashandisa masimba ematongerwo enyika kumanikidza vanhu kuti vanamate] , chakange chine chironda chebanga asi chikararama” Zvakazarurwa Chitsauko guminenhatui: ndima yegumi nembir kusvika kuneyeguminena.

    Munguva iripedyo-pedyo nyika yeUSA ichaudza vanhu kuti haichamanikdza vanhu kuchengeta zuva reSvondo ririrekunamata (rupawu rwechipuka).zvi zvinoreva kuti Chechi dzimwewo ndidzo dzichaudza hurumende zvekuita kuzadzikisa zvido zvadzo. Kana zvaitika izvi nyika yeUSA inenge yave kutorwa seyakafanana neChechi yechiRoma, kubatanidza masimba ezvematongerwo enyka neekunamata. Ipapo nyika yeUSA innge yave kutaura “sechipuka chinofemamoto” uye ichashandisa “masimba ese echipuka chekutanga chemoto.” Zvakazarurwa Chitsauko guminenhatui: ndima yegumi neimwe neyeguminembiri. Ipapao inenge yavenekushusha nekusave nehanya kwakaratidzwa nechipuka chekutanga, zvavanapapa.

    Naizvozvo kana vanhu vasisina rusununguko pakunamata, kufurufushwa kwevasinganamate ndokuchatevera zvigo dzokera kumazuva aya echinyakare pave pasinga bvumirwe kunamata kweimwe nzira: “Nekiti akanga aine rekupa mufananidza wechikara hupenyu [mitemo yekuchengeta zuvareSvondo inogadzikwa] …uye izvi zvichaita kuti vese vasingada kunamata chipuka ichi [vaye vanonamata neMugovera kweteneSvondo] vachaurayiwa. Uye achakonzera vese vadiki nevakuru, vapfumi nevaromba, vakasununguka nevakasungwa kuti vapihwe rupawu muruwoko rwerudyi kana kunyorwa pamhanza: Hapana kana ani zvake anozobvumirwa kutenga kana kutengesa ania rupawu urwu [vaye vanotevera Sabata rechokwadi vacharambidzwa kutenga kana kutengesa] , kana zita rechipuka…” Zvakazarurwa Chitsauko guminenhatui: ndima yegumi neshanu kusvika kuneyeguminenomwe.

    Vamwe vachapiwa rupawu “pamhanza” nekuti vanenge vazvipira kubvuira zvisina chokwadi “zvemanyepo” MaTisaronika echipiri chitsaukochechipiri: ndiam yegumi neimwe. Vamwewo kunyange zvavo vachiziva kuti musiweSvondo hauzi weSabata tsvene vach tevedzera izvi kuti vazviponese saka vachabvumira kupiwa rupawu urwu “mukati meruwoko rwekudya” kuratidza kuti rupawu urwu rwunoshanda.

    14. Kuti chive chokwadi, panofanirwa kuvenechiratidzo chekuti vanapapa varikukurudzira kuchengetwa kwemusiweSvondo munyika yeUSA(vakagara vachivengana nevagari venyikayeRoma), uye vavekushandura mafungiro uye vavakutambira kuti pangaiswe mirawu inochengetedza musiweSvondo. Pane zvinoonekwa here zvakadai?

    Nhasi uno veChechi dzimwewovavakuzvifarira zvavanapapa uye izvi zvaita kuti vana papa vakurudzire kugadzika mitemo yekuchengeta musiweSvondo:

    “Vagari vese vemunyika yeAmerica vanga batsire chaizvo kana vakakwidza chikumbiro kunaPresident wavo uye neKongiresi kuti nyika Dzemubatanidzwa dzigadzike mutemo kugadzirisa Bumbiro remitemo kana zvichigoba - kudzosera (zvemanyepo) zuva reSabata se Zuva reZororo. zvakanyorwa kubepa CATHOLIC TWIN CIRCLE, August 25, 1985, Article “Sacking Sunday”

    “Panyaya iyi vakanditangira pachigaro Papa Leo Wechisere…akastaura nezvezuva remusiweSvondo sezuva rezororo sechinhu chakafanira vashandi chinofanira kugadziridzwa neHurumende .” Mazwi a Papa John Paul Wechipiri-DIES DOMINI, May 31, 1998

    “Zvirokwazvo…maKristu achaedza zvese zvavanogona kuti pave nemitemo yekutongwa kwenyika inogadzirisa mabatirwo emusiweSvondo kuti uchengetedzwe. Kunyange zvakadaro, vanomanikidzika kuti vagadzirire kuzororz musiweSvondo nenzira inoita kuti vakwanise kuenda kunotambira chirariro Chitsvene, vasinga bate basa kana kuita zvimwe zvisingafambirane neZuva Dzvene raMambo. …” Mazwi aPapa John Paul Wechipiri, DIES DOMINI, May 31, 1998

    “…MaKristu [kwese-kwese] akafanira kushandira kuti zuva remusi weSvondo richengeteke zviripamutemoweChechi semamwe mazuva ezororo. Katakezimu yeChechiyeChikatorike,muzvinyorwa zvayo zvinofarirwa nevazhinji uye nezvinonzi definitive edition, 2000, par 2188

    Vamwe vatungamiriri vemamwe maChechi munomunyika yeUSA vakatozvipira kuti vadyidzane nemaKatorike:

    “Vatungamiriri vedzimwewo chechi dzemuAmerica nevamwe vechechi dzevekuMabudazuva pavakaita musangano Papa John Paul Wechipiri musiweChishanu vakabudamo vachizvikudza chaizvo zvemusangano uyu vachifarira kudyidzana kwaizotevera...Mufundisi vaDonald Jones, veMawisiri uye mubatiweChigaro kuUniversity yeku South Carolina kunodzidziswa zvekunamata, ‘ndiwo musangano wezvekunamata mukuru kupinda yese kakamboitwa munguva ino.’ Mufundisi va. Paul A. Crow Jr., veku Indianapolis, vakamirira mabasa azvekunamata zvechiKristi anonzi (Disciples of Christ), vakati musangano uyi unenge ‘kubuda kwezuva idzva munezvekunamata’ zvichazarura nzira dzekushanda pamwechete dzinoratidza kuti Mwari ‘ari kuti kakatira pawechete.’”  Zvakanyorwa mubepanhau rinonzi The Montgomery Advertiser, Sept. 12, 1987

    VaBilly Graham vakati : “Ndazviona kuti kutenda kwangu hakuna kusiyana nekwevatendi veChiRoma.” Mazwi avaMcCall’s, January 1978. Vakati zvakare PapaJohn Paul Wechipiri: “Ndiye mutingamiri wezvekunamata mukuru-kuru munyika yese.” Bepanhau rinonzi The Saturday Evening Post, January-February 1980

    VaPaul Crouch vakati : “Ndave kuto dzima izwi rekuti mamwemachechi pese pandinotaura…handina zvandinotsutsumwa nazvo… [nguva yakwana] yekuti maKatorike neavo vasiri maKatorike vabatane semumwechete nemweya waMwari.” Zvakashambadzirwa mu”Praise the Lord” program, Trinity Broadcasting Network, Oct 17, 1989

    VaRobert Schuller vakati : “Nguva yakwana yekuti vemamwewo machechi vaenda kumufudzi [kuna papa] agosvikoti “Tinga ite seyiko kuti tidzoke kumusha?” Bepanhau rinonzi Los Angeles Herald Examiner, September 19, 1987, Religion page

    VaDavid Wells vakati : “Sekuona kwangu huKatorike kuti hudzame, zvandinofunga kuti zvichaitika munguva yapapa vatiinavo, zvinoreva kuti patisingawirirane pachati kureyi asika zvichatibatanisa nevamwe vedu vechiKatorike kudzivirira vanodakutiparadza kucharamba kuchidzama, uye inipachangu ndakamirira kuzishandira.”   Bepanhau rinonzi Eternity Magazine, Sept. 1987

    VaJ. L. Packer vakati : “Zvidzidzo zvemachechi mamwewo nezvechiKatorike pamagariro echiKristu zvakafanana. Hatifaniri kuzviona here zvichitibatsira munguva inotevera?” Mazwi ava J. I. Packer, Bepanhau rinonziChristianity Today, June 22, 1992

    VaNeal C. Wilson vakati : “Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti paive nenguva muhupenyu hwechechi Ye Seventh-day Adventist Church pakaita madzidzisiro akaenderana neekudzidziswa kweChiRoma zvekuti mafungiro nemaitiro…zvese zvakarasirwa kumarara chaiwo hapana achazvitaura kana kuzvifunga kanamuka taura nevechechi yeSeventh-day Adventist Church.   Mazwi ava Neal C. Wilson, vaive Mubatiwechigaro weGunagano rema Seventh-day Adventist , 1974

    Mucherechedzo weChipuka ungatizweseyiko

    15. Ndinagtize seyi kuti ndisatambire mucherechedzo wechipuka?

    Uyu ndiwo mubvunzo wakakosha chaizvo kuneyese. Mwari, nerudo rwake rwukuru, akatiyambira kuti tisanamate chipuka ndokuti tisavene rupawu rwacho. Avo vachatambira rupawu rwechipuka “vachanwa wayino inekutsamwa kwaMwari ichadururwa isina kusanganiswa [zvisina ngoni] uye ichadururwa mukapu yekutamwa uye zvichaita kuti pavenekushushikana nemoto nekutsva …kune avo vanonamata chipuka [kukudza zvanana papa nekuchengetedza zuva reSvondo] kana mufananidzo wacho [nyika yeUSA kanaichimanikidza vanhu kuchengeta musiiweSvondo , uye nani zvake anotambira rupawu kana zita rechipuka” Zvakazarurwa Chitsauko guminena: ndima yegumineye gumineimwechete .

    Aya mazwi akadzama anobvakunaMwari. Kutsamwa kwake kunoenderana nekutadza kwedu. Tikachengetdza musiweSvondo, zvakataurwa naSatani achishandisa vanapapa, tavekuzvigadzirira kutambira rupawu rwechipuka. Satani anoda kunyengedza vakawanda kuti vachengetedze zuva rake rekunyepa. Kunyepa uku akakugadzirisa zvekuti akatora musiweSvondo, musi makamuka Kristu kunevakafa, achiziva kuti vanhu vazhinji vaizotevera vachiti zvirinani kuchengetamusi weSvondo paneMugovera nekuti Kristu ndiwo musi waakamuka. Asika kana usingade kutambira rupwo rwechipuka kuramba kutevera zuva risina kusarudzwa naMwari. Zuva rakazasrudzwa naMwari musiweMugovera weSabata uye ukachengeta musi uyu uchatambira “rupawu rwaMwari mupenyu” Zvakazarurwa Chitsauko chechinomwe: ndimayechipiri.

    Kanamuchida kuremekedza kufa nekumuka kwaKrisu, Biaberi rinonyatso tsanangura kuti itayi izvinekubabatidzwa (kunyikwa mumvura). Verenagyi MaRoma chitsauko chechitanhatu: ndima yechitatu kusvika kuneye chishanu. Mukanyikwa mumvura (kuvigwa) munenge muchipa huchapupu hwekufaKwake. Kanmuchibuda mumvura y (kumuka) munenge muchpa huchapupu hwekumuka Kwake.

    16. Kozvino mhomho dzemaKristu dzaka chengetedza musiweSvondo kwete weMugovera – vakatambira rupawu rwechipuka vasingazive here? KomaKristu emazuva ano anonyatsoziva asi vachitenda kuti musiweSvondo ndiwo wakafanana neSabata yakanyorwamuBaiberi?

    MaKristu mazhinji ekare aichengetedza musi weSvonod, vachifunga kuti ndiwo musierSabata rakanyorwa muBaiberi; asi nhasi kune maKristu chaiwo muchechi dzese, kusanganisawo muChechi yeRoma, vanotenda kuti musiweSvondo izuvaraMambo. Hapama mhosva yavakapara sekuti hapana munhu akavazivisa havasati vaona chiedza, havasati vavhenekerwa. Dzimwe nguva Mwari ano “bwaira” kuti asawona zvitadzo zvedu kana tichiita zvinhu tisingazive. Verengai Mabasa citsauko cheguminezvinomwe: ndima yemakumimatatu. Tinotongwa nezvatinenge takatadza kana takapiwa chiedza uye nekuvhenekerwa. Asi panenguva dzekuti panoiswa murawu wekuti munhu wese anofanira kuchengetedza musiweSvondo, kana zvadai zviripachena kumunhu wese, asi zvino anenge asina kutevera mutemowaMwari achida kutevera mutemo weavo vasina masimba aMwari vanotambira rupawo rwechipuka.

    Nguva ichasvika, yekuti munhu ega-ega azvipindurire mibvunzo iyo nekusarudza kuti anoda kuchengeta mitemo yaMwari here kana yavana papa. Uchamira papiko?

    Hapana Nzvimbo Yevasinakwavakamirira

    17. Seyiko ndine hanya nazvo? Seyiko ndisingazvisiyire vatendi kuti vazvigadzirise?

    Yambiro huru yaMwari inowanikwa muna Zvakazarurwa chitsauko cheguminena chinotizivisa kuti hapana nzvimbo yevasina hanya. Jesu akati, “Uyo asiri neni imhandu yangu” Ruka chitsauko chegiminechimwe: ndima yemakumi maviri anembiri. Mwari anotora vanhu vese sevakamirira chokwadi kana vasingade chokwadi. Yambiro iy haina basa nekuti munhu anoremekedzwa zvakadiyi kana mamiriro ake kana zvaanonamata. Yambiro iyi inopiwa kumhunu wese zvake.

    Yambiro iyi hanina basa nekuti takazvisarudzira kugara murima. Zvinongoitika kana tazvipira kusagara tiri muchiedza. Musatore zvakamirira mweya yedu sezvisina basa. Mwari haadi kuti vanhu vasave nehanya panyaya dzekunamata.

    Ndinofanira Kuita Seyiko?

    Sezvo tichiziva kuti Mwari haadi vanotadza kusarudza divi ravamakamirira, uye tichiziva zvakare kuti kanatisingade kutambira rupawe rwechipuka tinofanirwa kuchengetedza zuva reMugovera kunyange mutemo wenyika uchiti mukasanamata musiweSvondo munouraiwa.

    18. Ndeapi matanho andingatore, uye ndechipi chekutanga chandinofanira kuita?

    Mwari anoda chaizvo kuve nehukama newe. Tingatoti anoda kuti uvemwanakomana kana mwanasikana wake. Pafunge kuti kana uri mwanakomana kana mwanasikana weMambo wemadziMambo, Ishe wemaDzishe uchagara zvakanaka seyi. Mukana uyu urikupiwa kwamuri, Akamirira kukupi rukudzo rwepamusoro-soro. Asika izwi rake kwamuri rinoti, “Garai makasungana zvisinakuenzana nevasingatende: nekuti vasingatende nevanotenda vangadyidzane seyiko? Zvakafanana nekuti chiedza nerima zvinga gare pawechete seyiko? 15 Uye Kristu ne Beria vangadyidzane seyiko? Kana kuti vanonamata nevasinganamate vangadyidzane seyiko? 16 Uye chechi yaMwari ingaite chibvumirano cherudziiko nechechi yezviumbwa? Sekuti imi muri chechi yaMwari mupenyu; sezvo Mwari akati, Ndichagara mavari, ndichafamba navo, ndichaveMwari wavo, vachave vanhu vangu. 17 Saizvozvo budai kubva kwavari, muve pakasiyana navo, akataura Mambo, uyemusabate zvisina kutsvinda, ndichakugamuchirayi, 18 Ndichave Baba kwamuri, uye imi muchave vanakomana ne vanasikana vangu, akataura Ishe Mukuru. 7:1 Sezvo makawana zvivimbiso izvi, vadikanwa, ngatizvishambidzeyi tibvise tsvina yese inowanikwa munyama nemumweya, tichizvitsenesa sekiti tinotya Mwari.” Makorinte echipiri chitsauko chechitanhatu: ndima yeguminena kusvika kuneye guminesere; Chitsauko chechinomwe: ndima yekutanga Corinthians.

    Iyi ndima inokosha yemuBaiberi inemiraidzo inotevera iyi:

    1. Mwari haatenderi kuti chokwadi chisanganiswe nekunyepa (kunyange chizhinji chechokwadi chacho chirichikuru). Satani ega ndiye anosanganisa chokwadi nekunyepa kuitira kuti agone kunyengera. Saizvozvo, chero magariro anosanganisa nzira yekunamata inemanyepo (sekuti musiweSvondo izuva raMwari) pamwechete nezvechokwadi haabvekunaMwari . Sekuti “chiedza chingabatane seyiko nerima?” “Mwari ndiye chiedza, maari hamuna kana rima zvaro” Makorinte echipiri chitsauko chechitanhatu: ndima yeguminena; Johni chitsauko chekutanga: ndimayechishanu. Chokwadi chinofanira kunge chakakwana kuti chive chinotambirwa. Hapana nzvimbo yezvagadzirwa nevanhu kuti zvinzi ichokwadi.

    “kuzvitsaura ndiyo nhano yekutanga yaungatore kana uchida kuve mwana waMwari”

    2. Munhu ege-ega akazvipira kuti anoda kugara zvakanaka naMwari akasungirwa kuti asavenhengo yechechi yakavakwa nemitemo yakabva kuna Satani: inosanganisa chokwadi ne manyepo.Uku kupasanudza kwakamirira chinhano chekutanga chaungatore kuti uvemwana waMwari, ugowana mufaro wakawanda maari saBaba vanokuda.

    Kana tikakwanisa kupasanudza, tinove vanakomana kana vanasikana vaMwari. Nekiti tinenge takwanisa kuratidza kuti kune nzira mbiri dzekunamata muno munyika: yaMwari neyaSatani, uye tazvisarudzira tega kucheka hukama nemanamatiro anobva kunaSatani.

    3. Munofanira kuziva kuti kana mazvitsaura kunzira yekunamata yakabva kuna Satani muchashaya shamwari kana kutizwa nehama dzepedyo kana vamunoshanda navo uye kushaya simba nezvimwe zvakadaro…Mwari anokusimbisayi: Ndini Mukurumukuru.” Izvi zvinoreva kuti Mwari achakuripayi zvose zvamarasikirwa nazvo. Jesu anokuvimbisayi: “Hapana mhnhu akasiya imba yake, kana vakoma, kana hanzvadzi kana baba, kana mai, kana mudzimai, kana vana, kana minda nepamusana pangu nezwiragu. Asi munhu iyeye achatambira zvakapetwa kazana iyezvino, dzimba, vakoma, hanzvadzi, madzimai, vana neminda, nekufurufushwwwa asi huoenyu husingapere munyika inotevera” Mariko chitsauko chegumi: ndima makumi maviri and pfumbamwe neyemakumimatatu.

    4. Kana tabuda mumitemo yakagadzirwa naSatani Ishe achaita kuti tichanange kune mweya mutsvene uchatichenesa ugotichengeta tisapinde pazvitadzo uye tigowana mukana wekutaura naMwari. Asika Mwari anoda kuti timuterere tishandire iye chete kwete nekuti takamanikidzwa asi nekuti tichida.Tichipa rudo kuna Mwari nekuit tinotenda zvaakatiitira kunyanya kutisvikisa pakavakwa nzira yekunamata yaakasika. Asika kana tichimunamata tichiitira kutya kurangwa hazvitibatsire chinhu.

    Kuregererana naMwari

    19. Kochiiko chinonzi ‘kuregererana naMwari’, uye tinozviitireyiko?

    Mwari paakasika Adamu and Eva, vaive nezvimiro zvakanaka netsika dzakanaka vachigara zvakanaka vachikudza Mwari nekuterera mirawu yake. Mwari akaita kuti zvive nyore kutivamuterere nekuvasika vaine Mitemo ineGumi mumwoyo mavo. Mwari akavaudzawo kuti zvitadzo zvaizorangwa nerufu. . “Mubairo wezvitadzo rufu” VaRoma chitsauko chechitanhati: ndima makumi maviri anenhatu.Hurumende dzese dzepasi pano dzine mirawu yakanyatso nyorwa inozikanwa uye kuyityora kunokonzera kurangwa. Zvino dai hurumende dzese dzenyika dzichiti hadzichada kuranga vanhu vanotyora mirawu. Taizofara here kugara munyika yakadaro isina vanhu vanorangwa?

    Mwari zvaakazivisa mirawu yake kuna Adamu na Eva achizviita nyora kuti vagone kuitvera sekuti yakanga irimumwoyo. Mwari haana kubvisa simba rave rekusarudza. Mwari aigona kusika munhu wese asina simba rekusaterera mirawu yake. Zvaizoreva kuti munhu aisikwa asina kusununguka sechimuchina. Asingakwanise kusarudza uye keuterera kwake kwaizove kwekumanikidzwa.

    Zvinosuwisa kuti Adamu na Eva vakazvisarudzira vega kusaterera Mwari, saizvozvo chitema chavo chakaita kuti pave nekupesana pakati paMwari nemunhu. Vakabva vave vanorangwa nerufu sekunti vakanga vatyora mutemo waMwari. Vaisungurwa kufa. Uyewo zvakare chido chave chekuterera Mwari chakabva chaguma nekuti vakanga vangora. Mwoyo yave yakanga yaoma yavekuda kusaterera Mwari nekuti yakanga yapindwa nekatska kekusaterera.

    Paakanga aona kusaterera uku kwa Adamu na Eva Mwari aifanira kuita seyiko? Kuvarega zvavo vachifa sekutu vaive vatyora mirawu yake? Vabereki pasi pano vano zviita here izvi zvekurega vana vavo vachifa nekuti havana kuterera / Kan kuti azo bvisa kutadza uku tuitira kuti zvisaitike zvakare? Hurumende dzemuno munyika kana kudenga dzingararame here kana pasin anorangwa? Kwete, hazvigone.

    Nemazwi mashoma, Adamu na Eva dai vaisungirwa kuripa zvavakatadza pachavo zvaidai zvakakonzera kupera kwavanhu vepasi pano. Zvaireva kuti Mwari azotanga patsva kusika vamwe vana Adamu na Eva uye haazizoziva kuti vaizorega kutevedzera vakatanga here zvigoramba zvichienderera patamgwe patsva zvakare. Ziripachena kuti paidiwa simba rinobva kunze (kunze kwe vanhu vanezvitadzo) uye paifanirwa kutsvagwa kwezano. Saizvozvo zano rakabva kudenga kunaMwari izvi zvese zvisati zvaitika.

    Baiberi rinoti “zvakavanzika uye zvanga zvakavanzika kwemakore nemakore akawanda zvave kuzozikanwa nevatsvene vake” Vakorisi chitsauko chekutanga: ndima yemakumi maviri anenhanhatu. Zano raMwari raive rekuti vanhu vadzoker kwaari asi mutemo wake uchiramba wakachengeteka nekuti Mwari haafarire zvitema asiwoka kunyane Mwari asingade zvitadzo, mutadzi anomuda.

    Izvi zvaireva kuti paizove nemumwe asina chitema aizo tsikinyura vanezvitadzo sekuti kufa kweasina zvitadzo kwaizo kwanosa kuripa mhosva yakaparwa nevakatadza. Vanhu vese vaizodzokera kuve pedyo naMwari sekunge vasina kumotadza zvigokonzera kuti rudo rwaMwari harwaizoenda kuzvitadzo. Pasina muripo uyu pakanga pasina nzira yeuti pave nekuregererana naMwari. Kuregerana uku kwaidiwa sekutiMwari aida kuti tigare mudenga rake nekusingapere.

    Zvakare mungu aizofira vazhinji uyu aifanirwa kuratidza vanhu kuti vanokwanisa kugara panyika pano vasina kutadza uye izvi zvaizoita kuti tigare takabatana naMwari. Zvinobatsira chyiko kuregererwa ugidzokera kuzvitadzo zvakare ugoda kuregererwa patsva zvakare? Zviripachena kuti Mwari aive nezano rekuti munhu akwanise kukunda zvitadzo ! Zvaizoreva kuti pakutyoramirawu yaMwari Adamu akarasikirwa neparadiso uyemukuterera mirawu nekuripa mhosva neropa remhunu akaiunzwa kubva kunza uku zvakaita kuti paradiso yakanga yarasika iwanikwe zvakare.

    20. Ndinoda kuregererana naMwari; Ndinoda kukunda zvitadzo zvirimuhupenyu hwangu. Chiyiko chandingatange kuita?

    Munofanira kurangirarira zvinhu zviviri zvakakosha. Chekutanga mwoyo unozvikudza unoedza chaizvo kuwana rubatsiro; asika mapindiro ekudenga nemasimbiro enyu ekuregererana zvese zvinowanikwa mumunhu uyu akabva kunze. Chechipiri, Mwari haanazvaanogona kuita pakuregererana kusvikira imi mazvininipisa mukarega kuzvikudza mukazviisa kwaari mugozvipira kutingwa naMwari.

    Asika mubvunzo wenyu unoreva kuti mazviona kare mega kuti makatadza. Hamufare nezvamuri. Chekutanga chamunofanira kuita kudzokera kunaMwari mutendeuke. “Tendeukai...uye mukatendeuka, zvitadzo zvenyu zvese zvichadzimwa” Mabasa chitsauko chechitatu: ndima yeguminepfumbamwe. Tinosuwa nekuti zvitadzo zvedu zvinokonzera kusafara kwedu asi uku hatingati keregererana. Kuregererana chaiko kwakapfuura kusuwa kana kutadza. Kuregererana kubva zvachose muzvitadzo. Hapana kutendeuka kwakakwana kusingakinzere kutanga patsva. Asika munhu angagone here kutendeuka pachake kana asina kuwana rubatsiro? Haakwanise kuzviregererawo zvakare. Kutendeuka chipo chinobva kuna Mwari uye chinopiwa mumwoyo.

    Kanamwoyo wanyatso tendeuka unonyatso tambira mweya mutsvene waMwari, ipapo mutadzi anonzwa kururama kwaMwari uye kuterera murawu waMwari mutsvene. Pano panenge pave nekuda kuita zvinhu zvakanaka zvinofambirana nemweya mutsvene nekugara pedyo naMwaro murunyararo. Uye tinoda kugara tichifamba pedyo naMwari, “Achatisebedza pedyo kwaari” , uye hunhu hwedu hucharaitdza kuvenaye mumwoyo zuva nezuva uye “tinofa mazuva ese” kubva muzvitema zvedu zvekare. Jemusi chitsauko chechina: ndima yetsere; Makorinte ekutanga chitsauko cheguminechishani: ndima yemakumimatatu anechimwechete.

    Kukunda Chitadzo nekudakwaKristu

    21. Tapota tsanangurai zvakare kuti mhunu wamunoti ndewekunze uyu ndiani; uye zvinokwanisika here kuti tingakwanise kukunda zvitadzo nekuda kwake tichigara pano pasi?

    Pane munhu mumwechete angakwanise kuita zvese izvi. Munhu iyeye ndiye ega Mwanakomana waMwari. Seiko Mwanakomana waMwari ari iye ega anokwanisa izvo? Nekiti Mwanakomana weMusiki wezvinhu zvese, “Akasikwa nemufananidzo waMwari watisingagone kuona…asika nenzira yake zvinhu zvese zvakasikwa.” Uyezve Mwanakomana anezvese zvinowanikwa kuna Mwari nekuti “mufananidzo wake wakafanana newemunhu uyu” Kristu akavenehupenyu hwake, hwakapfuura chero hwemunu wese ahczozvarwa panopanyika uye achizova mafiro anorwadza seaakaita. Saka, kuzvipira kwake kwakazadzisa kutonga kwaMwari kune vese vatadzi vanotambira kufa kwake kwakarwadza uye achiratidza tsitsi dzake nerudo. MuneMwanakomana, “Nyasha nechokwadi zvakasangana, kunatsa nerunyararo zvikatsvodana.” Sezvo vakaenzana Mwari ne Mwanakomana waMwari , Mwanakomana waMwari ndiye anogonakuratidza runako rwaMwari uye agokonzera kuregererana kwevanhu naMwari. Vakorosia chitsauko chekutanga: ndima yegumi neshanu neyegumonenhanhatu; Vahebero chitsauko chekutanga: ndima yechitatu; Mapisarema emakumi masere aneshanu: ndima yegumi.

    Asika kuti izvi zviitike, uye kutinga kwaMwari kuzadzikiswe, Mwanakomana aive akafanirwa kuvemunhu wenyama sesu nekurerekera kuzvitadzo kwedu. “Zvirikwazvo haana kuzvitorera hunhu hwengirozi; asi akatora hunhu hwevana vaAburamu.” Ichi ndicho chinhano chaive chakakodzera kuti Mwanakomana avemucherechedzo kuvanhu. “Kutisiyira mucherechedzo, kuitira kuti togotevera mutsoka dzake. Akanga asina chitadzo.” Kunerimwedivi nehutsvene jwake akabatananaMwari kunerimwe diviwo akabatananevanhu akavemunhu. Saizvozvo hapana mumwe anokwanisa kutipa chipo chakakosha chekuregererana Hunhu hwake hwakabata vanhu. Hapana mumwe Mwanakomana anokwanisa kupa chipo chekuregererana. “Naizvozvo imo sevana muripamhuri ichadya mutumbi neropa, uye iye [Mwanakomana] iyewo akaita saizvozvo” “…Mwari aive munaKristu, achiunza kuregererana kwevanhu munyika yese” “Nekti…patakanga tiri mhanu, takabatanidzwa nekuregererwa naMwari nepamusana pekufa kweMwanakomana wake.” Krisu akazvitorera hunhu hwedu nekusasimba kwedu asi akakwanisa kugara hupenyu husina zvitadzo. Krisu anoda kuti tigare hupenyu hunokunda zvitadzo . Vaheberu chitsauko chechipiri:ndima yeguminenhanhatu; Pita wekutanga chitsauko chechipiri: ndima yeguminenhanhatu; Makorinte echipiri chitsauko chechishanu: ndimayeguminepfumbamwe; MaRoma chitsauko chechishanu: ndima yegumi

    Pfungwa dzaMwari pavana vake dzakadzama kupfuura kana dzani zvake “Saka ivai vakati twasu, sekuti Baba venyu varikudenga vakati twasu” “…sekuti iye akutiyi muruvatsvene, saizvozvo ivai vatsvene pane zvese zvamunotaura” “Kuitira kuti musavenemhosva uye musashusha, vana vaMwari, pasina akudenhayi kana kutuka, muchiziva kuti munogara muno munyika munezvamo zvakatsveyama...” “Teverayi …hutsvene, nekuti kana husipo hapana munhu achaona Mwari” . Zvose zvaanotituma zvakafanirwa kuitwa. Mwari haana kutikumbira zvaanoziva kuti hatikwanise kuita. Matewu chitsauko chichishanu: ndima makumi mana anesere;Pita wekutanga chitsauko chekutanga: ndima yegumineshanu; VaFiripiya chitsauko chechipiri:ndima yegumineshanu; Vaheberu chitsauko cheguminembiri: ndimayeguminena.  

    “Ivai makati twasu, sekutu Baba venyu varikudenga vakati twasu”- Matewo Chitsauko chechishanu: ndimayemakumi mana anesere 5:48

    Hapana anofanira kuwana hunhu hwakakodzera hwechiKristu. Nekuzvipira kwakaita Kristu takapiwa mukana wekuti chero anizvake anotenda awane zvese zvinodiwa pakuwana hupenyu hunodiwa nevatendi. Mwari anodaidzira kuti tiedze chaizvo nesimba rakawedzerwa kusebera pane hunhu hwakafanana nehwaKristu. Kunyanta kuzvininipisa kwake, kuramba kuedzwa nemuedzi Kristu akaratidza kutu munhu akabatana nezvitsvene zvega munhu anokwanisa kuvenehunhu hwakafanana nehwake. Ichi chitsinhidzo chatinopiwanaMwari chekuti kana isuwo tichakunda.

    Tinopa kutenda kunaMwari ano “anovendiye akatopa kukunda zvese tnenzira yaMambo Jesu Kristu.” Makorinte ekutanga chitsauko chegumi neshanu: ndima makumi mashanu anenomwe.

    22. Kristu akagona seyiko kugara asina zvitadzo munyika ino izere nezvitadzo?

    Hapana munhu akaita hupenyu hwakamanukudzka sehwa Kristu hwakanga hwakazara nebasa nezvekuita; asi zvakadaro aiwanikwa achinamata! Aigara akabatana naMwari mumunamato! Nguva nenguva muhupenyu hwake pasi pano tinoverenga nezvake tichiratodzwa izvi: “Pakumuka magwanani-ngwanani zuva richiri kure, Aibuda oenda kura kwakanyarara kwaaiziva ega osvika ikoko onamata” “Aibav mukati mevanhu achienda mukati megwenga, achisviko namamata” “Pakatiwo mumwe musi mazuva iwayo, akenda mugomo kunonamata akagara imomo husiku hwese achinamata kuna Mwari” Mariko chitsauko chekutanga: ndimaye makumi matatu aneshanu; Ruke chitsauko chechishanu: ndima yeguminenhanhatu; chitsauko chechitanhatu: ndimayeguminembiri.  

    Kunamata kunaBaba vake zvisina kumbomira ndizvo zvakakosha kunaKristu . Zvakafanira kudaro kana kwatiri nhasiuno. Sekuti aripamwechete nesu pane zvatinoda pakushaya simba kwedu pakuziva zvatinoshaya. Akanga akavimba naMwari pane zvese, uye painge achinamata aripakahwanda aikumbira simba kuti atange zuva rake zvakanaka akunde zviedzo. Munyika yakazara zvitadzo Kristu akarwisana nekuyedzwa nekushungurudzwa mumwoyo. Mumunamato kunaMwari aikwidza zvichemo zvake nezvaimusuwisa nezvaimuremera. MunaMwari aiwana rufaro. Kunyange aive murume aikotama kunaMwari nehuMambo hwake kusvikira hunhu hwake hwazadzwa nemweya mutsvene. Nekuramba achinamata nguva dzese akatambira simba rekuti agare hupenyu husina zvitadzo kubva kunaMwari. Izvi zvinogona kuvezvako.

    Musati mapinda muhupenyu hwakanaka hwekunge hwaKristu, kuterera mirawu yese yaMwari ndiko kunodiwa. Asika tinozviziva kutu hatikwanise kuita izvi tega. Hutsvene uhwu tinohuwana chete nekuzvidzidzisa kuti tinofanira kuterera mweyaMutsvene. Simba raKristu richatibatsira kuti tirambe takashinga kunyange panezhibingamipini zvakawanda. Tinofanira kuramba tichinamata kuna Kristu nguva dzese sezvaaiita kunaMwari zvaaive kuti tisashaye simba. Zuva ne zuva tinofanira kubatana naMwari tichitungamidza kuwana tsika dzakanaka. Kristu anofarira kutbatsira kuti tiwane simba iri nekuti komborera kuti tikinda zvakaipa zvinotiwana.

    Kutenda muna Krisu kunoda Kushandirwa

    23. Saka murikuti here kutenda kwangu munaKristu hakuneyi nezvandinoita pachangu kuti ndisapinde muzvitadzo? Handikwanise here kutenda muna Kristu nezvaakandiitira kuti ndiponeswe?

    Munhu wese anotambira Kristu semuponesi wake anenge akakomborerwa kuti avwnehunhu hwakafanana naye. Asika pane avo vakamirira kutu vaone machinjiro mavari ivo pasina zvavanenge vaita vachagumbuka. Takafanira kugara takagadzirira kudzivirira zvitadzo zvedu kuti zvisadzikere pakare. Tikasachenjera tsika dzedu dzekare dzinodzokera oakare uye muvengi anofarira kuteya vanhu kutivavenhapwa dzake. Tinofanira kushanda kuti “ruponeso rwedu nekitya nekudedera. Nekuti ndeMwari anoshanda nemi uye mamuri kuti muite zvinomufadza” Vafiripi vechipiri chitsauko chechipiri: ndima yeguminembir, yeguminenhatu.

    Kristu haanakumbotiudza kuti izvi zvese zvekushandura chimiro zvichave nyore. Chimiro chakanaka hachizi chekuzvarwa nacho. Uye hachingonhongwa. Chimirochakanaka chinoshandirwa zvakasimba uye chinowanikwa nesimba raKristu . Mwari anopa matarenda, pfungwa dzaka jeka, tisu tinoona kuita chimiro. Chimiro chinowanikwa nekushanda zvakaoma, tichizvirwisa kukunda miendzi irimatiri yakawanda. Miyedzo nemiyedzo inoteverana yakafanirwa kurwiswa kuti tikunda zvatakaberekwa nazvo.

    Tinofanira kuzvishora zvakaoma tigozviranga kutira kuti patinobuda pasarepasina kana chii zvacho chinoshoreka matiri chisina kugadziriswa. Dzimwe nguva izvi zvakaoma chaizvo nekuti tinowanzo zvitarisa nezvinoshoreka matiri tichitadza kutarisa kunaJesu. Asiwo munhu wesw anopinda mumagonhi ekudenga anopinda segamba rakakunda zvese, chikuru chinoda kukundwa chirimatiri.

    Ngaparege kuve nemumwe anoti, Ini handigone kuzvigadzirisa chimiro changu..Kana munhu asvika pakada, zviripachena kuti achakundikana kuwana huoenyu husingapere. Zvese zvirikwamuri zviri kumunhu ega-ega. Dambudziko guru riripakuti mwoyo unenge uchiramba waka ngora usina kuchena uye usingade kutambira kuti Mwari ndiye anotonga.

    Kuterera Mambo kwakafanana nekufamba naye. Zvinhu zviviri zvinofanira kucherechedzwa ndezvekuterera mirawu yakenekutenda kunaKristu. Verengai Zvakazarurwa chitsauko gumi nena: ndima gumi nembiri. Saka “kutenda” munaKristu chete hakuna kwana. Dai zvakakwanaSatani pachake aidai akafara ari kudenga nekuti zvakanyorwa, “kana vakaipa chaizvo vanotendawo uye vanodedera” Jemusi chistauko chechipiri: ndima yegumi nepfumbamwe.

    Tingape mufananidzo uyu,chiyiko chakakonzera Adamu naEva kuti vadzingwe mumunda weEdeni mavaigara? Vakanga vasinachinonetsa pakutenda munaJesu nekuti vaifamba naye munzvimbo dzakatonhorera Verengai Jenisis chitsauko chechitatu: ndimayese. Ikwaive kusaterera kwakakonzera kurasikirwa kwavo. Zvino tingati vakaponeswa nemabasa avo here? “Kwete nemabasa avo akanaka avakaita, asi tichaponeswa ne nyashadzake” Tito chitsauko chechitatu: ndima yechishanu. Hatichengetere mitemo iyo nekuti tinoda kuponeswa. Kuchengeta mitemo iyi ndiyo micheroyatinowana munaKristu uye vatevedzeri vake vanoonekwa nenzira iyi.

    Mutemo unoratdiza kuti tinoda Muponesi. Kushandisa mutemo segirazi rekuzviona maKristu anogonawo kuzviona pavanokanganisa nemavanga avo zvakanaka. Verengai Jemusi chitsauko chekutanga: ndima yemakumi maviri anenhatu kusvika kune yemakumi maviri aneshanu. Zvinokonzera kuti tione kuti hanazvatingaite kuti tizvinatse kana tisina Kristu maturi. Mutemo haugone kutiponesa. Muramu unogina chete kutiratidza kuti tinotsvaga Muponesi. Tinogona kuzviratidza nekudayi, ukawira mumadhaka, ukazvitarisa mugirazi unowona madhaka. Zvino girazi ringakuchenese here? Kwete harikwanise.Rinongokuratidza kuti unofanirwa kugeza.

    24 . Zvinokwanisika here kuti kana ndikavimba nesimba raKristu nekuramba ndichirwisana nezvisinakunaka mandiri, ndinovene chimiro chakanaka?

    Ngirozi dzekudenga dzinoshand kana nani zvake anoda kuvenechimiro chakanaka. Kunevanhu vese vanoshanda basa iri Kristu anoti , ndiri ruwoko rwako rwerudyi uye ndichakubatsira “nekuti kana usina Ini [Jesu] hapana chaunogona kuita” Jonhi chitsauko chegumineshanu: ndima yechishanu. Rangarirai kuti. Nganinange chinhu chimwechete chechokwadi uye tisabvumire miedzo kupinda matiri. Ngatiregei kumugumbura nekuti akatipa rudo rwake zvekuti akafira isu kuti zvitadzo zvedu zvese zviregererwe.

    Kana makanganisa,muchakombirerwa kana muchiona kukanganisa uku sechinhu chinokuyambirayi. Saizvozvo muchakunda, muvengu mugomunyadzisa mugokurumbidza Muponesi wenyu. Uyezve kana chido chenyu chichishanda naMwari, ndiye achavemuku-mukuru.

    Mugadziri weZvakakanganiswa

    25. Ndave kuona zvino kukosha kwazvakaita kuti ndizive kuti ndiani akaita sechipuka, rupawu rwacho, nemufananidzo wacho nekuti handaigona kunatsiridza ini ndakanyeperwa kutyora murawu waMwari. Ko zvino chii chandingaite?

    Zvino ndavekuziva kuti kunamata musiweSvondo rwupawu rwanapapa (chipuka) uye Satani anoedza nepese paanogona kudzivirira vanhu kuti vachengete zuva raMwari rechinomwe rekunamata nekushandisa nyika yeUSA kuti idzike murawu wekuti pasi rese ngarinamate musiweSvondo. Ngatitange nekuti chengeta Sabata (tichizvidzidzisa mazuva ano zvichirinyore ) uye nekupakurira vamwe chokwadi ichi uye tiedzekuponesa vakawanda nepatinogona napo.

    Chikurudziro ichi chakapiwa, “Ridza mhere, usaregeret,simudza izwi rako sebosvo, uye, uratidze vanhu kukanganisa kwavo...” Hakuzi kuti inyika yevatadz chete as vose avo vanodaidzwa aMwari kunzi "anhu vangu," vacharegererwa kutadza kwavo. Akataura zvakare kuti, “Asika, nditsvaeyi mazuva ese, uye mufarire kuziva nzira dzangu, sekuti imi muri nyika yakagona kunatsiridza, uye mukasarasa mirawu aMwari wenyu” Isaya chitsauko chemakumi mashanu anesere: ndima yekutanga neyechipiri .

    Pano tinoona vanhu vanzvitora sechikwata chisina kupara mhosva, uye chinofarira kuita mabasa aMwari; asi vachishamiswa kana Mwari achivaratidza kusafara kwake nezvakaita zvekusachengeta mitemo yake mitsvene. 

    Zvino muporofitaIsaya, aovaratidza mumwe murawu wakatyorwa: “…auye imi muchadaidzwa kunzi, Vagadziri vezvakatyoka…Kana mikatendera tska dzenyu kuti dzisaende kusabata, dzisingaite kuda kwangu azuva rangu dzvene; muchitora zuva resabata sezuva rekufara, remukuruwezvese zvitsvene, Mambo mutsvene panevese, mucharumbidzwa, sekuti munenge musina kuita zvamunoda, kana kuzvifadza, kana kutaura mazwi enyu: Zvino muchawana mufaro mukuru munaMambo” Isaya chitsauko chemakumi mashanu anesere: ndima yeguminembiri kusvika keyeguminena .

    Munguva ichatevera, pachishandiswa mitemo yekumanikdzira kuchengetwa kwezuva reSvondo, Satani achashandisa masiba ake kuti chivechitadzo kunamata kunaMwari

    Izvizvichaitika kana kwauriwo. Kutyorwa kwakaitwa mumutemo waMwari kwakaitika pakarambidzwa Sabata nevabati veChechi yeChiRoma Tazvisaudzira kugadziridza pakatyorwa apa.Ungade here kue mumwe weavo vanogadzira pakatyorwa?  

    Unoda here kutanga kuchengeta zva reSabata riridzvene, usingaite kanamabasa ako, kana kuita zvinokufadza, kanakutaura mazwi ako panguva inofanirwa kungemuchitaura mazwi matsvene aMambo musiweSabata here?

    Kwekunonamatira

    26. Hongu, ndingatende zvikuru kuve umwe weavo vanogadzirisa pakatyorwa mutemo waMwari. Asika, handizive kuti panechechi here inonyatsoziva kuchengeta Sabata, inotevera Baiberi chete, ichifumura vanapapa. Saka ndekupiko kwandinganamate?

    Musatambudzike zenyu nekuti hamusirimi chete vakatarisana nedambudzio iri. Vanoshanda basa iri vakatarisana nedambudziko irori. Takaona kuti hapana maitiro tikasiya kwatainamata taona kuti havafarire chokwadi. Kunyange vanozviti vanofarira kuchengeta Sabata vanongotaura nemuromo chete. Vanochengetedza Sabata kana vachiona kuti zvakakodzera kana kuvafadza. Kana vatarisana nenguva dzakaoma dzekuchengeta Sabata vanotaurira anamati kuti vanovaregerera kana vakatyora murawu uyu musvene. Asika izwiraMwari rakatitaurira kuti , “tinofanira kuterera Mwari chete kwete munhu” Mabasa chitsauko chechishanu: ndimayemakumi maviri anepfumbamwe.

    Munguva inotevera, pachishandiswa mitemo yenyika yese yekuchengetedza musiweSvondo, Satani achaita kuti kutereraMwari ivemhosva . Takafanira kuzvipira kuvevatyori vemutemo nekuti takaramba takachengeta zuva reSabata riridzvene, panekuchengetedza mutemo wevanhu asi tichiregerera mutemo waMwari. Munguva inotevera munhu wese achatarisana nedambudziko iri: ndinoterera aniko, munhu here kanaMwari? Isu takasarudza kutereta Mwari knyange zvazvo zvichatipinza mumatambudziko makuru tichizotarisana nekurangwa kwakaoma nekuti tinoda mubairo wekudenga.

    Parizvino, nekiti takabva kwatainamatira nekuti havataure chokwadi chaMwari, takatanga kunamata tirikudzimba dzedu tichikurudzira hama neshamwari nevavakidzani kutivazive chokwadi kusvika tave bato revatendi. Ipapo tichazadzisa mazwi aKristu anoti “Kana paine vaviri kana vatatu vakaungana pamwechete muzita rangu, ndichavepakati pavo” Matewu chitsauko cheguminese: ndimayeakumi maviri.

    Tinopupura kuti kana taparadzana nemachechi anoaridza zvekunyepa nekuti tirikuterera murawu waMwari zvinorea kuti tavenerusununguko (tarisai mubvunzo weguminesere). “Uye kanamukaziva chokwadi, chokwadi chikakusunungurayi” Johni chitsauko chechisere: ndimayemakumi matatuanembiri. Tinoti rufarorwedu ngarwuve rwenyu, kanamazvipira kutsaukana nevamwe kuti muve vanakomana kana vanasikana vaMwari. “Uyo akchakunda achawana nhaka yese” Zvakazarurwa chitsaukomakumi maviri: ndimayechinomwe.

    -----------------------

    Tinokunamatira kuti usaruze kuvamugadziridzi wemurawu yaMwari yakatyorwa, uye kugoedza kunoponesa vazhinji vanoda kutiza kunyeperwa nenyika ichavaputura yavepedyo nekutarisana nekamukanha kadiki nguva yekudzoka rwechipiri kwaJesu Kristu AMEN.

    Zvitsauko zveBaiberi zvese zvakabva muBaieri rinonzi “Amplified Version”.

    Kanamuchida kuti mutumirwe gwaro rinonzi “Zvinopokanisa Zvikuru” (gwaro rinonyatso tsanangura nyaya yese yatanga takabata nemazvo), kana kuzviwanira gwaro rinonzi “Zvagara Zvichidiwa Makore Ese” (gwaro rinotaura nezvehupenyu hwaJesu) tapota batanai nesu pakero iyi www.worldslastchance.com